1Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Jehova; tererai kukumbira kwaŋgu;
Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.
2Regai kutoŋga muranda wenyu;
Nokuti hapanomunhu mumŋe mupenyu uŋgaruramiswa pamberi penyu.
3Nokuti muʋeŋgi wakatambudza mŋeya waŋgu;
Wakatsikirira ʋupenyu bgaŋgu pasi;
Wakandigarisa panɀimbo dzinerima, saʋanhu ʋakaŋguʋa ʋafa.
4Saka mŋeya waŋgu waziya mukati maŋgu;
Mŋoyo waŋgu wavunduswa mukati maŋgu.
5Ndinoraŋgarira mazuʋa akare;
Ndinofuŋgisisa ɀose ɀamakaita;
Ndinofuŋga ɓasa ramaʋoko enyu.
6Ndinotambanudzira maʋoko aŋgu kwamuri;
Mŋeya waŋgu unokushuʋai senyika yakawomerwa.
7Kurumidzai kundipindura, Jehova; mŋeya waŋgu waziya;
Regai kundiʋanzira ciso cenyu;
Ndigosaʋa saʋanoɓurukira kugomba.
8Ndinzwisei ʋunyoro bgenyu maŋgwanani;
Nokuti ndinoʋimba nemi;
Ndiziʋisei nzira yandinofanira kufamba nayo;
Nokuti ndinosimudzira mŋeya waŋgu kwamuri.
9Ndirwirei Jehova, panaʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Ndinoʋanda nemi.
10Ndidzidzisei kuita kuɗa kwenyu; nokuti ndimi Mŋari waŋgu;
Mŋeya wenyu, wakanaka ŋgaundifambise munyika yakati cecetere.
11Ndiponesei Jehova, nokuɗa kwezita renyu;
Ƃuɗisai mŋeya waŋgu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.
12Pedzai ʋaʋeŋgi ʋaŋgu noʋunyoro bgenyu,
Muparadze ʋose ʋanomanikidza mŋeya waŋgu;
Nokuti ndiri muranda wenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.