Mapisarema 143 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unokumbira kuti Jehova acimbidzike kumurwira.Pisarema raDavidi.

1Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Jehova; tererai kukumbira kwaŋgu;

Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.

2Regai kutoŋga muranda wenyu;

Nokuti hapanomunhu mumŋe mupenyu uŋgaruramiswa pamberi penyu.

3Nokuti muʋeŋgi wakatambudza mŋeya waŋgu;

Wakatsikirira ʋupenyu bgaŋgu pasi;

Wakandigarisa panɀimbo dzinerima, saʋanhu ʋakaŋguʋa ʋafa.

4Saka mŋeya waŋgu waziya mukati maŋgu;

Mŋoyo waŋgu wavunduswa mukati maŋgu.

5Ndinoraŋgarira mazuʋa akare;

Ndinofuŋgisisa ɀose ɀamakaita;

Ndinofuŋga ɓasa ramaʋoko enyu.

6Ndinotambanudzira maʋoko aŋgu kwamuri;

Mŋeya waŋgu unokushuʋai senyika yakawomerwa.

7Kurumidzai kundipindura, Jehova; mŋeya waŋgu waziya;

Regai kundiʋanzira ciso cenyu;

Ndigosaʋa saʋanoɓurukira kugomba.

8Ndinzwisei ʋunyoro bgenyu maŋgwanani;

Nokuti ndinoʋimba nemi;

Ndiziʋisei nzira yandinofanira kufamba nayo;

Nokuti ndinosimudzira mŋeya waŋgu kwamuri.

9Ndirwirei Jehova, panaʋaʋeŋgi ʋaŋgu;

Ndinoʋanda nemi.

10Ndidzidzisei kuita kuɗa kwenyu; nokuti ndimi Mŋari waŋgu;

Mŋeya wenyu, wakanaka ŋgaundifambise munyika yakati cecetere.

11Ndiponesei Jehova, nokuɗa kwezita renyu;

Ƃuɗisai mŋeya waŋgu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.

12Pedzai ʋaʋeŋgi ʋaŋgu noʋunyoro bgenyu,

Muparadze ʋose ʋanomanikidza mŋeya waŋgu;

Nokuti ndiri muranda wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help