Mapisarema 75 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwokuʋoŋga Mŋari.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weAritasheti. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1Tinokuʋoŋgai, Mŋari;

Tinoʋoŋga, nokuti zita renyu riri pedyo;

Ʋanhu ʋanoparidza maɓasa enyu anoshamisa.

2Kana ndiciwana ŋguʋa yakafanira,

Ndicatoŋga ɀakarurama.

3Pasi pose panyauka naʋose ʋagere’po;

Ndini ndakamisa mbiru dzayo.

4Ndakati kunaʋanamanyawi: Regai kuita namanyawi;

Nokunaʋakaipa: Regai kusimudza runyaŋga.

5Regai kusimudza runyaŋga rwenyu kuɗeŋga;

Regai kutaura nomutsipa mukukutu.

6Nokuti kunyaŋge kumaɓuɗazuʋa, kana kumaʋirira,

Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.

7Asi Mŋari ndiye mutoŋgi;

Unoninipisa mumŋe acikudza mumŋe.

8Nokuti muruʋoko rwaJehova munomukombe, newaini inopupuma;

Uzere neɀakaveŋganiswa, ɀino unoɗurura mauri;

Ɀirokwaɀo, ʋakaipa ʋose ʋenyika ʋacaȿina masese awo, nokuanwa.

9Asi ini ndicaparidza nokusiŋgaperi,

Ndicaimbira Mŋari waJakobo nziyo dzokurumbidza.

10Nyaŋga dzose dzaʋakaipa ndicadzigura;

Asi nyaŋga dzaʋakarurama dzicasimudzwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help