Numeri 34 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Miganho yeKanani.

1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2Raira ʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana maȿika munyika yeKanani, (ndiyo nyika icaʋa nhaka yenyu, iyo nyika yeKanani, kuȿikira kumiganho yayo,)

3rutiʋi rwenyu rwezasi runofanira kutaŋga murenje reZini rucienda nokurutiʋi rweEdomi; muganho wenyu wezasi ucataŋga pamuʋuyo weGuŋgwa roMunyu, ucienda kumabvazuʋa;

4ɀino muganho wenyu upote necezasi kwegomo reAkrabimi, ndokupfuʋurira kuZini, ugoɓuɗa necezasi kweKadeshi‐barnea; ɀino upfuʋure kuHazari‐adari, ugondoȿika Azmoni;

5ɀino muganho unofanira kupota ucitaŋga paAzmoni, kuȿika kurukoʋa rweEgipita, ndokuɓuɗa paGuŋgwa.

6Muganho wenyu wokumaʋirazuʋa ndiro Guŋgwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganho wokumaʋirazuʋa.

7Ndiwo muganho wenyu wokumsoro: Kubva paGuŋgwa Guru munofanira kutara muganho wenyu kuȿika pagomo reHori;

8kubva paHori munofanira kutara muganho wenyu kuȿika paʋanopinda paHamati, muganho ugondogumira paZedadi.

9Ɀino muganho upfuʋurire kuȿika paZifroni, ugondoguma paHazari‐enani; ndiwo muganho wenyu wokumsoro.

10Munofanira kutara ʋo muganho wenyu wokumabvazuʋa, kubva paHazari‐enani kuȿika paShefami.

11Kubva paShefami muganho uɓurukire Ribra, kumabvazuʋa kweAini; ɀino muganho uɓuruke, ugondoȿika kurutiʋi rweguŋgwa reKinereti kumabvazuʋa;

12ɀino muganho uɓurukire kuJoridani, ugondoguma paGuŋgwa roMunyu; ndiyo icaʋa nyika yenyu nemiganho yayo kunhiʋi dzose.

13Mosesi akaraira ʋana ʋaIsraeri, akati: Ndiyo nyika yamucapiwa nemijenya iʋe nhaka yenyu, yakarairwa naJehova kuti ipiwe marudzi mapfumbamŋe nehafu;

14nokuti rudzi rwaʋana ʋaRubeni, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, norudzi rwaʋana ʋaGadi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋatopiwa haʋo, nehafu yorudzi rwaManase ʋatopiwa haʋo nhaka yaʋo;

15marudzi awa maʋiri nehafu akapiwa nhaka yawo necemhiri kwaJoridani paJeriko, kumabvazuʋa kunoɓuɗa zuʋa nako.

16Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

17Ndiwo mazita aʋarume ʋanofanira kukugoʋerai nyika kuti iʋe nhaka yenyu: Ereazari muprista, naJoshua, mŋanakomana waNuni.

18Munofanira kutsaura ʋo mucinda mumŋe kurudzi rumŋe norumŋe kugoʋera nyika iʋe nhaka yenyu.

19Ndiwo mazita aʋarume iʋaʋo: Kurudzi rwaJuda, Karebi, mŋanakomana waJefune;

20kurudzi rwaʋana ʋaSimeoni, Shemueri, mŋanakomana waAmihudi;

21kurudzi kwaBenjamini, Eridadi, mŋanakomana waKisroni;

22kurudzi rwaʋaDani, mucinda Buki, mŋanakomana waJogri;

23kuʋana ʋaJosefa, kurudzi rwaʋana ʋaManase, mucinda Hanieri, mŋanakomana waEfodi;

24kurudzi rwaʋana ʋaEfraimi, mucinda Kemueri, mŋanakomana waShiftani;

25kurudzi rwaʋana ʋaZeburuni, mucinda Erizafani, mŋanakomana waParnaki;

26kurudzi rwaʋana ʋaIsakari, mucinda Partieri, mŋanakomana waAzani;

27kurudzi rwaʋana ʋaAsheri, mucinda Ahihudi, mŋanakomana waSheromi;

28kurudzi rwaʋana ʋaNaftari, mucinda Pedaheri, mŋanakomana waAmihudi.

29Ndiʋo ʋakarairwa naJehova kuti ʋagoʋere nyika yeKanani, iʋe nhaka yaʋana ʋaIsraeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help