1Ƃuruka, ugare muguruʋa, iwe mhandara, mukunda weBabironi; gara pasi pasinecigaro coʋushe, iwe mukunda waʋaKardea; nokuti haucazonzi unoʋundere nounamaŋgo.
2Tora guyo nehuyo ukuye ʋupfu; bvisa cifukidziro ceciso cako, bvisa ŋguʋo yako yakareɓa, fukura gumbo rako, yambuka nzizi.
3Kusafuka kwako kucaʋa pacena, kunyadzwa kwako kucaʋonekwa; ndicaɀitsiʋa, ndisiŋgaraŋgariri munhu.
4Mudzikinuri weɗu, zita rake rinonzi Jehova wehondo, Mutȿene waIsraeri.
5Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda waʋaKardea; nokuti haucazonzi Ʋahosi bgoʋushe ʋuzhinji.
6Ndakaŋga ndakatsamŋira ʋanhu ʋaŋgu, ndakamhura nhaka yaŋgu, ndikaʋaisa mumaʋoko ako; iwe hauna‐kuʋanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwaɀo pamsoro paʋatana.
7Ukati: Ndicaʋa ʋahosi nokusiŋgaperi; naiɀoɀo hauna‐kufuŋga ɀinhu iɀi, hauna‐kuraŋgarira kuguma kwaɀo.
8Naiɀoɀo ɀino cinzwa cinhu ici, iwe unoŋgoraŋgarira ɀinofadza, ugere ɀakasimba, unoti mumŋoyo mako: Ndini ndoga, hakunomumŋe kunze kwaŋgu; handiŋgagari ndiri cirikadzi, handiŋgaziʋi kufirwa naʋana.
9Asi ɀinhu iɀi ɀiʋiri ɀicakuwira neciŋguʋa ciɗuku, nezuʋa rimŋe cete, kufirwa naʋana, noʋucirikadzi; ɀicakuwira neciyero cizere, pakati poʋuŋaŋga bgako ʋuzhinji, noʋuroyi bgako bgakawanda.
10Nokuti wakaʋimba neɀakaipa ɀako; wakati: Hakuna‐unondiʋona; wakakaŋganiswa noʋucenjeri bgako neziʋo yako, ukati mumŋoyo mako: Ndini ndoga, hakunomumŋe kunze kwaŋgu.
11Naiɀoɀo ɀakaipa ɀicakuwira, ɀausiŋgaziʋi kuʋamba kwaɀo; ucawirwa nenjodzi, yausiŋgagoni kubvisa; kuparadzwa kucakuwira pakarepo, kwausiŋgaziʋi.
12Ɀino ʋuya noʋuroyi bgako noʋuŋaŋga bgako ʋuzhinji, bgawakaɓata nabgo kubva paʋuɗuku bgako, ɀimŋe uŋgaɓatsirwa, ɀimŋe uŋgakunda.
13Waneta nokuwanda kwamano ako; ɀino, ʋanoɗudzira ɀokuɗeŋga, naʋanocerekedza nyeredzi, naʋanofembera ɀomŋedzi mumŋe nomumŋe ŋgaʋasimuke, ʋakuponese paɀinhu ɀicakuwira.
14Tarira, ʋacaita samashaŋga, ʋacapiswa nomŋoto, haʋaŋgagoni kuɀirwira pasimba romuraɀo; hauŋgaʋi zimbe rokudziya, kana mŋoto uŋgagotwa.
15Ndiɀo ɀicaita ɀose ɀawakaɓatira; ʋakashambadzirana newe kubva paʋuɗuku bgako, ʋacadzuŋgaira mumŋe nomumŋe nenzira yake; pacashaikwa unokuponesa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.