1Nditoŋgerei Mŋari, mundireʋerere pamhoȿa yaŋgu parudzi rusinetsitsi;
Ndirwirei pamunhu unonyeŋgera usino‐kururama.
2Nokuti ndi’mi Mŋari simba raŋgu; mandirashireiko?
Ndinofambireiko ndicicema nokuɗa kwokumanikidza kwomuʋeŋgi?
3Tumai ciedza cenyu neɀokwaɗi yenyu; ɀindituŋgamirire;
Ɀindiȿitse kugomo renyu dɀene,
Nokutabernakeri dzenyu.
4Ipapo ndicaȿika kuartari yaMŋari,
KunaMŋari, iye mufaro waŋgu mukuru;
Ndicakurumbidzai nembira, imi Mŋari, Mŋari waŋgu.
5Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu?
Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu?
Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu,
Iye muponesi weciso caŋgu, naMŋari waŋgu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.