I ƲaTesaronika 1 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kwaziso.

1Pauro, naSirvano, naTimotio, kukereke yaʋaTesaronika, iri munaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu: Nyasha ŋgadziʋe nemi norugare.

Kuʋoŋga kwaPauro.

2Tinoʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu mose, ticikuraŋgarirai pakunyeŋgetera kweɗu;

3ticiramba ticiraŋgarira ɓasa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira ʋamŋe kunobva paruɗo, nokutsuŋgirira kunobva patariro munaShe weɗu, Jesu Kristu, pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu;

4tinoziʋa, hama dzinoɗikanwa naMŋari, kusanaŋgurwa kwenyu.

5Nokuti Evaŋgeri yeɗu haina‐kuʋuya kwamuri neshoko ɓedzi, asi nesimba ʋo, nomumŋeya Mutȿene, nokuziʋa kwaɀo; seɀamunoziʋa kuti takaŋga takaɗini pakati penyu nokuɗa kwenyu.

6Nemi makaʋa ʋateʋeri ʋeɗu naʋaShe, ɀamakagamucira Shoko mumaɗambudziko mazhinji, nomufaro woMŋeya Mutȿene;

7naiɀoɀo makatuŋgamirira ʋose ʋanotenda muMakedonia neAkaya.

8Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedonia neAkaya ɓedzi, asi kutenda kwenyu kunaMŋari kwakaȿika kwose; naiɀoɀo hatifaniri kutaura cinhu.

9Nokuti iʋo ʋamene ʋanoparidza kupinda kweɗu kwamuri, kuti kwakaŋga kwakaɗini; ʋuye, kuti makatendeʋukira kunaMŋari, mucibva paɀifananidzo, kuti muɓatire Mŋari mupenyu waɀokwaɗi,

10nokumirira Mŋanakomana wake pakubva kwake kuɗeŋga, iye waakamutsa kuʋakafa, ndiye Jesu unotisunuŋgura pakutsamŋa kunoʋuya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help