Mapisarema 96 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Nyika yose ŋgairumbidze Jehova Mutoŋgi mukuru.

1Imbirai Jehova rwiyo rutȿa;

Imbirai Jehova, pasi pose.

2Imbirai Jehova, rumbidzai zita rake;

Paridzai kuponesa kwake zuʋa rimŋe nerimŋe.

3Ƌudzirai kubginya kwake pakati paʋahedeni,

Maɓasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.

4Nokuti Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo;

Unofanira kutyiwa kupfuʋura ʋamŋari ʋose.

5Nokuti ʋamŋari ʋose ʋendudzi ɀifananidzo haɀo;

Asi Jehova wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga.

6Kukudzwa noʋumambo ɀiri pamberi pake;

Simba nokunaka ɀiri panɀimbo yake tȿene.

7Ipai Jehova, imi mhuri dzaʋanhu,

Ipai Jehova kukudzwa nesimba.

8Ipai Jehova kukudzwa kunofanira zita rake;

Ʋuyai necipiriso, mupinde muʋazhe dzake.

9Namatai kunaJehova neŋguʋa tȿene;

Pasi pose, bvunda pamberi pake.

10Itiyi pakati paʋahedeni: Jehova ndiye unoɓata ʋushe;

Nyika ʋo yakasimbiswa, kuti irege kuzunuŋguswa;

Iye ucatoŋga ʋanhu ɀakarurama.

11Kuɗeŋga‐ɗeŋga ŋgakufare, napasi ŋgapafare kwaɀo;

Guŋgwa ŋgaritinhire, neɀose ɀiri mukati maro;

12Saŋgo ŋgariʋe nomufaro, neɀose ɀiri mukati maro;

Ipapo miti yose yeɗondo icaimba nomufaro;

13PamberipaJehova, nokuti unoʋuya;

Nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi;

Ucatoŋga nyika ɀakarurama,

Nendudzi nokutendeka kwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help