Mapisarema 15 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ndiani uŋgagara mutente raJehova?Pisarema raDavidi.

1Jehova, ndianiko uŋgatsaukira mutente renyu?

Ndianiko uŋgagara pagomo renyu dɀene?

2Uyo, unofamba asinemhoȿa, unoita ɀakarurama,

Unotaura ɀokwaɗi mumŋoyo make.

3Iye usinamakuhwa parurimi rwake,

Usiŋgaitiri shamŋari yake ɀakaipa,

Usiŋgatuki waagere naye.

4Munhu wakashata unoɀidzwa naye;

Asi unokudza ʋanotya Jehova.

Iye unoti kana aciŋge apika, haaŋgazoshanduri shoko rake, kunyaŋge ɀikaʋa ɀakaipa kwaari.

5Iye usiŋgareʋi mhindu pamari yake,

Kana kugamucira cipo pamsoro pousinemhoȿa.

Munhu unoita ɀinhu iɀeɀi haaŋgatoŋgozunuŋguswi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help