Maraki 1 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ruɗo rwaJehova kuʋanhu ʋake.

1Cireʋo ceshoko raJehova kunaIsraeri cakatumŋa naMaraki.

2Ndakakuɗai — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro imi munoti: Makatiɗa neiko? Ko Esau wakaŋga asi mukoma waJakobo here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakaɗa Jakobo;

3asi Esau ndakamuʋeŋga, ndikaita makomo ake matoŋgo, ndikapa makaʋa amarenje nhaka yake.

4Kunyaŋge Edomi ʋakati: Takaparadzwa heɗu, asi ticadzoka tikaʋaka ɀe matoŋgo; ɀanzi naJehova wehondo: Ʋacaʋaka, asi ini ndicakoromora; ʋanhu ʋacaʋatumidza, nyika yeɀakaipa, ʋuye ʋanhu ʋakatsamŋirwa naJehova nokusiŋgaperi.

5Meso enyu acaʋona, mukati: Jehova unokudzwa munyika yose yaIsraeri.

6Mŋanakomana unokudza ɓaɓa ʋake, nomuranda unokudza tenzi wake; ɀino kana ndiri ɓaɓa ʋenyu, kukudzwa kwaŋgu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwaŋgu kuripiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo kwamuri, imi ʋaprista ʋanoɀidza zita raŋgu. Ɀino imi moti: Tinoɀidza zita renyu neiko?

7Munondiʋigira ciŋgwa cinetȿina paartari yaŋgu. Ɀino moti: Takakuȿiɓisai neiko? Pakutaura kwenyu muciti: Tafura yaJehova ŋgaiɀidzwe hayo.

8Kana mucindiʋigira cakapofumara ciʋe ciɓayiro, haɀina‐kuipa here! Kana mucindiʋigira cinokamhina necinorwara haɀina‐kuipa here? Ciɀiʋigirai muɓati wenyu; uŋgakufarirai here? Kana uŋgakugamucirai here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

9Ɀino cikumbirai henyu nyasha dzaMŋari, kuti atinzwire ŋgoni. Ndiɀo ɀakaitwa namaʋoko enyu; ko uŋgagamucira mumŋe wenyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

10Haiwa, ɗai kwaiʋa nomumŋe wenyu waizarira hake mikoʋa, kuti murege kuɓatidza mŋoto paartari yaŋgu pasina! Handikufaririyi imi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — handiŋgagamuciri camunondiʋigira namaʋoko enyu.

11Nokuti kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni; pose‐pose ɀinonhuwira ɀicaʋigirwa zita raŋgu, ʋuye cipiriso cisinetȿina; nokuti zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

12Asi imi munoɀimhura, ɀamunoti: Tafura yaJehova yakaȿiɓiswa, ɀiɓereko ɀayo, iɀo ɀokudya ɀayo, ŋgaɀiɀidzwe haɀo.

13Munoti ʋo: Tarirai ɀinonetsa sei! Maɀishoʋora — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; makandiʋigira ɀakapambga, neɀinokamhina, neɀinorwara; ndiɀo ɀamunondiʋigira cipiriso; ɀino ndiŋgaɀigamucira pamaʋoko enyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

14Asi munyeŋgeri ŋgaatukwe unegondobge pakati pamakwai ake, ndokupika nokuɓayira Ishe cinhu cakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — zita raŋgu rinotyisa pakati paʋahedeni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help