1Cireʋo ceshoko raJehova kunaIsraeri cakatumŋa naMaraki.
2Ndakakuɗai — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro imi munoti: Makatiɗa neiko? Ko Esau wakaŋga asi mukoma waJakobo here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakaɗa Jakobo;
3asi Esau ndakamuʋeŋga, ndikaita makomo ake matoŋgo, ndikapa makaʋa amarenje nhaka yake.
4Kunyaŋge Edomi ʋakati: Takaparadzwa heɗu, asi ticadzoka tikaʋaka ɀe matoŋgo; ɀanzi naJehova wehondo: Ʋacaʋaka, asi ini ndicakoromora; ʋanhu ʋacaʋatumidza, nyika yeɀakaipa, ʋuye ʋanhu ʋakatsamŋirwa naJehova nokusiŋgaperi.
5Meso enyu acaʋona, mukati: Jehova unokudzwa munyika yose yaIsraeri.
6Mŋanakomana unokudza ɓaɓa ʋake, nomuranda unokudza tenzi wake; ɀino kana ndiri ɓaɓa ʋenyu, kukudzwa kwaŋgu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwaŋgu kuripiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo kwamuri, imi ʋaprista ʋanoɀidza zita raŋgu. Ɀino imi moti: Tinoɀidza zita renyu neiko?
7Munondiʋigira ciŋgwa cinetȿina paartari yaŋgu. Ɀino moti: Takakuȿiɓisai neiko? Pakutaura kwenyu muciti: Tafura yaJehova ŋgaiɀidzwe hayo.
8Kana mucindiʋigira cakapofumara ciʋe ciɓayiro, haɀina‐kuipa here! Kana mucindiʋigira cinokamhina necinorwara haɀina‐kuipa here? Ciɀiʋigirai muɓati wenyu; uŋgakufarirai here? Kana uŋgakugamucirai here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
9Ɀino cikumbirai henyu nyasha dzaMŋari, kuti atinzwire ŋgoni. Ndiɀo ɀakaitwa namaʋoko enyu; ko uŋgagamucira mumŋe wenyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
10Haiwa, ɗai kwaiʋa nomumŋe wenyu waizarira hake mikoʋa, kuti murege kuɓatidza mŋoto paartari yaŋgu pasina! Handikufaririyi imi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — handiŋgagamuciri camunondiʋigira namaʋoko enyu.
11Nokuti kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni; pose‐pose ɀinonhuwira ɀicaʋigirwa zita raŋgu, ʋuye cipiriso cisinetȿina; nokuti zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
12Asi imi munoɀimhura, ɀamunoti: Tafura yaJehova yakaȿiɓiswa, ɀiɓereko ɀayo, iɀo ɀokudya ɀayo, ŋgaɀiɀidzwe haɀo.
13Munoti ʋo: Tarirai ɀinonetsa sei! Maɀishoʋora — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; makandiʋigira ɀakapambga, neɀinokamhina, neɀinorwara; ndiɀo ɀamunondiʋigira cipiriso; ɀino ndiŋgaɀigamucira pamaʋoko enyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
14Asi munyeŋgeri ŋgaatukwe unegondobge pakati pamakwai ake, ndokupika nokuɓayira Ishe cinhu cakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — zita raŋgu rinotyisa pakati paʋahedeni.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.