Mapisarema 63 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unoshuʋa Jehova.Pisarema raDavidi, paŋguʋa yokugara kwake parenje raJuda.

1Mŋari, imi muri Mŋari waŋgu; ndicakutȿakai maŋgwanani;

Mŋeya waŋgu unenyota kwamuri, nyama yaŋgu inokushuʋai,

Panyika yakawoma, inonzwisa nyota, isinemvura.

2Naiɀoɀo ndakatarira kwamuri panɀimbo tȿene,

Kuti ndiʋone simba renyu nokubginya kwenyu.

3Nokuti ʋunyoro bgenyu ʋunokunda ʋupenyu;

Miromo yaŋgu icakurumbidzai.

4Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai ndiciri mupenyu;

Ndicasimudza maʋoko aŋgu nezita renyu.

5Mŋeya waŋgu ucaguta neɀineŋge mŋoŋgo namafuta;

Muromo waŋgu ucakurumbidzai nemiromo inofara kwaɀo;

6Kana ndicikuraŋgarirai panhoʋo yaŋgu,

Ndicikufuŋgai paŋguʋa dzoʋusiku.

7Nokuti makaŋga muri muɓatsiri waŋgu,

Pamumvuri wamapapiro enyu ndi’po pandicafara kwaɀo.

8Mŋeya waŋgu unokunamatirai nesimba rose;

Ruʋoko rwenyu rworudyi runonditsigira.

9Asi aʋo, ʋanotȿaka kuparadza mŋeya waŋgu,

Ʋacapinda munɀimbo dzapasi dzenyika.

10Ʋacaiswa pasimba romunondo;

Ʋacaʋa mugoʋe wamakaʋa.

11Asi mambo ucafara munaMŋari;

Mumŋe nomumŋe unopika naye ucafara kwaɀo;

Nokuti muromo waʋanoreʋa nhema ucadziʋirwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help