Zvakaratidzwa 22 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Zvino mutumwa akazondiratidza

rwizi rwemvura youpenyu

yakachena sezvimedu zvedombo romusarasara

rwuchierera ruchibva pachigaro choumambo

chaMwari necheHwayana

2napakati pomugwagwa weguta.

Kumativi ose erwizi, kwaiva nomuti woupenyu

unobereka muchero gumi nakaviri

uchibereka muchero mwedzi woga woga;

mashizha awo anorapa ndudzi dzavanhu.

3Hapachazovapo nokurengererwa rushambwa

asi chigaro chaMwari choumambo necheHwayana

zvichava muguta iroro;

varanda vake vachamugwadamira vachimunamata.

4Vachaona uso hwake

uye zita rake richava pahuma dzavo.

5Hapachazovazve nousiku,

havazoda kuvhenekerwa nomwenje kana nezuva;

nokuti Tenzi Mwari ndiye achava chiedza chavo

uye vachatonga narini narini wose.

Kuuya kwaJesu

6Mutumwa akati kwandiri,

“Mazwi aya mazwi anovimbika

uye ndeechokwadi

Tenzi Mwari wemweya yavaporofita

akatuma mutumwa wake

kuti azoratidza varanda vake

zvichaitika zvino uno.”

Kukurirwa kwasatani

7“Chinzwa ndiri kuuya nokukurumidza.

Akakomborerwa zvake

anochengeta mazwi okuporofita ebhuku rino.

8Ini Johani ndini iye ndakanzwa ndikaona zvinhu izvi.”

Pandakazvinzwa nokuzviona, ndakati pasi gwadagwa kupfugamira

patsoka dzomutumwa akandiratidza zvinhu izvi.

9Asi iye akanditi,

“Usadaro, ini ndiri mushandipamwe newe

uye pamwe navaporofita, hama dzako

navanochengeta mazwi ebhuku rino iri.

Mwari ndiye waunofanira kugwadamira uchinamata.”

10Akatizve kwandiri,

“Usavige mazwi okuporofita aya, nokuti nguva yavakutosvika.

11Muiti wezvakaipa angangoita zvake zvakaipa

wetsvina angangorambawo zvake achiita

zvetsvina izvozvo;

woururami achiitawo zvake zvakarurama

nomutsvene achiitawo zvoutsvene.

12“Asi ndiri kuuya nokukurumidza

ndakatakura mubayiro wangu

kuti ndizopa munhu wose

zvakaenzanirana nezvaakaita.

13Ndini Arifa naOmega

ndini wokutanga nowokupedzisira

ndini mavambo namagumo ezvinhu.

14“Vakakomborerwa vanogeza magemenzi avo

kuti vave nemvumo yokudya muti woupenyu

uye kuti vave nemvumo yokupinda

napamisuo mikuru yeguta.

15Kunze uku kunenge kuine imbwa dzavanhu

navaroyi nemhombwe nemhondi

navanamati vezvinhu zvisiri Mwari

navanofarira uye vanoita zvamanyepo.

16Ini Jesu ndini ndatumira mutumwa wangu kwamuri

nouchapupu uhu kumasangano.

Ndini dzinde nebukira raDhavhidhi

ndini hweva yamangwanani.”

17Mweya nemwenga vanoti, “Uya.”

Anenge azvinzwa ngaati, “Uya.”

Anenge ane nyota ngaauye;

anoda ngaatore zvake mvura youpenyu pasina muripo.

18Ndinoyambira munhu wose

anonzwa mazwi okuporofita omubhuku rino.

Munhu anoawedzera,

Mwari achamuwedzerawo pfumvu

dzakatsanangurwa mubhuku rino.

19Munhu anobvisawo

mamwe mazwi okuporofita uku

Mwari achabvisa mugove wake uri mumuti woupenyu

nomugove wake muguta dzvene

zvinotsanangurwa mubhuku rino iri.

20Iye ari kutaura zvinhu izvi anoti,

“Chokwadi ndiri kuuya zvino uno.”

Ameni uyai Tenzi Jesu.

21Chikomborero chokuitirwa nyasha

naTenzi wedu Jesu ngachive

navanhu vose. Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help