Isaya 14 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kudzoka kwenhapwa

1Tenzi achanzwira Jakobho ngoni achisarudzazve Isiraeri uye achavaita kuti vagare munyika mavo, vatorwa vachazobatana navo kugaramo vagoti kwati kwati kune vemba yaJakobho.

2Vechirudzi ava vachavatora vachivaendesa kwavo uye veimba yaIsiraeri vachavaita vavo munyika yaTenzi sevaranda vavo vechirume nevechikadzi. Vachatapa zvavo vacho vakambovatapa ivavo votonga zvino vaye vokumbovabata zvakaipa.

Mambo wenyika yeBhabhironi munzvimbo yevachakabvu

3Tenzi paachakuzorodzai kumarwadzo enyu nomupfumvu yenyu nepabasa rakaomarara ramaishandiswa,

4muchatotsvinyirawo mambo weBhabhironi muchiti,

“Hezvoka, nyakuitira vamwe zvakaipa,

zvakuperera

kuzvitutumadza nehasha kwapera.

5Tenzi atyoranisa shamhu yomuipi,

iyo tsvimbo yamadzishe

6akarova ndudzi dzavanhu akashatirwa

achadakarira kurova chete,

achitonga dzindudzi dzavanhu akatsamwa

achivaonesa ndondo pasina zvokumbomira.

7Nyika yose yave norugare norunyararo

vanhu vachitomboimba zvavo.

8Miti yemisaipurasi yototi

toko waro nokufara!

Miti yemusidhari yokuRebhanoni yotiwo,

‘Kubvira musi wawakanzi pasi mbombombo

nevokutema miti havachambotivinga.’

9“Nzvimbo yavakafa, yavachakabvu

yatozhandanuka

kuzochingurana newe, paunosvikako

inomutsa vachakabvu kuti vakukwazise

vaiva vatungamiriri panyika.

Inovasimudza pazvigaro zvavo zvoumambo

vose vaimbova madzimambo endudzi dzavanhu.

10Vose vachataurawo kwauri vachiti,

‘Newe wachitiwo rukutu sesu!

Tafanana!

11Kuenda mbiri kwako

nomutinhimira wemadimbwa ako

zvachinzi pasi mbombombo,

munzvimbo yevachakabvu,

zvidukutse ndizvo zvava bonde rako, poworara

honye ndodzava gumbeze rako.’

12“Zvakuvingaka!

Kutotozomoka mudenga kudai,

iwe Nyamatsatsi, hweva yamangwanani

zvauya sei kuti unzi pasi rikiti,

iyewe waimbombomesa ndudzi dzavanhu,

13waizviti nechomumwoyo,

‘Ndichaita chitundumusere-musere chaicho

kukwira kudenga

kupfuura nyenyedzi dzaMwari,

ndiise chigaro changu choumambo pamusoro,

nditi zvangu tendhe kugara

pagomo padare ravo

riri kuchamhembe uko.

14Ndichakwira kumusoro kwamakute,

ndizviite soWokumusorosoro.’

15Asi waunzwa pasi

kunzvimbo yevachakabvu

pasi pasi chaipo peGomba.

16Vachakuona vacharamba vakakuti

kanha kutarisa

vachifunga nezvako vachiti;

‘Ndiye here chokwadi munhu aiita kuti pasi

padedere uyu?

Aingwendesa dzinyika,

17nyakuita kuti nyika ive segwenga

achikurira maguta ayo,

vasungwa vake, asingavabvumire

kudzokera kumusha?’

18Madzimambo ose arere zvawo

nomukurumbira wawo

mumwe nomumwe muguva rake,

19asi iwe warasirwa kunze,

kure neguva rako

sokusemwa kunoitwa kusvodza,

wakomberedzwa navakaurayiwa,

vaya vakabayiwa namapakatwa

vanoenda mumatombo eGomba

sechitunha chiri kutsikirirwa zvacho netsoka.

20Hauzi kuzovigwa sezvavakaitwa

pamusana pokuti wakaparadza nyika yako

ukauraya vanhu vako.

Zvizvarwa zvevaiti vezvakaipa

ngazvirege kana kuzombodomwa zita.

21Gadzirirai kuuraya vanakomana vake

pamusana pemhosva dzamadzibaba avo,

vangadaro vakamukira nyika vakaiita yavo

vakazadza pasi pano pose namaguta.”

Mwari achaparadza Bhabhironi

22Zvanzi naTenzi wehondo nehondo,

“Ndichavamukira

ndigotsakatisa muBhabhironi

zita nechitsama chacho chakasara,

mwana wose zvake nechizukuru chose,

ndizvo zviri kurehwa naTenzi.

23Ndichaiita kuti ive

musha wenguruve dzomusango

namadziva emvura

ndichaitsvaira nomutsvairo wokuparadza

ndizvo zviri kurehwa naTenzi

wehondo nehondo.”

Mwari uchaparadza nyika yeAsiria

24Tenzi wehondo nehondo

apika achiti,

“Zvandakaronga ndizvo zvichaitika izvozvo

uye zvandakati zvinoitwa ndizvo zvinoitika.

25Ndichaparadza vaAsiria munyika mangu

ndigoitsokodzera netsoka dzangu

joki ravo richibva rabva pavari

nomutoro wavo uchibva waturwa

pamapfudzi avo.”

26Ichi ndicho chinangwa chakatemwa

chakanangana napasi pose

uye urwu ndirwo ruoko rwacho

ruchine shamhu ichiri mudenga

yokuranga marudzi ose avanhu.

27Nokuti Tenzi wehondo nehondo atema izvozvo

ndiani achazvidzivisa,

ruoko rune shamhu ruchiri mudenga

ndiani acharudzora.

Mwari achaparadza nyika yeFirisitia

28Mugore rakafa mambo Ahazi

kwakauya mutoro weshoko iri raiti,

29“Musafare zvenyu vaFirisitia,

mose zvenyu

muchiti shamhu yaitirova yakatyoka

nokuti panzvimbo penyokawo zvayo

pava kubuda chiva,

vana vacho vachava nyoka dzinobhururuka.

30Asi varombo vokupedzesera

vachafura zvavo mumafuro angu

vapemhi vachinyatsogarikana,

asi ndichauraya dzinde rako nenzara

uye chitsama chevako chinenge chasara ndichachiuraya.

31Iwe suo guru hwihwidza kuchema,

iwe guta chema.

Gwambai nokutya imi vaFirisitia,

gwambai imi mose zvenyu.

Nokuti kuri kuuya utsi huchibva kuchamhembe

muhondo yake imomo hamuna mbwende.”

32Chii chatichapindura nhume dzavaFirisitia?

Tichati Tenzi akavaka guta reZioni,

mariri vanhu varo vachawana pokuhwanda.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help