2 Nhoroondo 19 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kutsiura kwakaitwa Jehoshafati nomuporofita Jehu

1Jehoshafati mambo wokwaJudha akadzokera kumuzinda kwake kuJerusaremu zvakanaka.

2Asi Jehu mwanakomana waHanani muoni akaenda kundosangana namambo Jehoshafati akati kwaari, “Ndizvo here kubatsira wakaipa muchida vanovenga Tenzi? Pamusana paizvozvi Tenzi akuvirukirai nehasha.

3Kunyange zvakadaro, kune zvimwe zvakanaka zvinowanika mamuri nokuti makaparadza zvifananidzo zvokunamata zviAshera munyika ino mukaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.”

Zvakaitwa naJehoshafati kudzosera vanhu kuna Tenzi

4Jehoshafati aigara muJerusaremu achiendazve muvanhu kubvira kuBheerishebha kusvikira kunyika yokwaEfuremu yemakomo achivadzosera kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.

5Akasarudza vatongi munyika umu mumaguta ose okwaJudha aiva netsvingo guta neguta.

6Akati kuvatongi, “Nyatsofungai zvamunoita nokuti hamutongere kufadza munhu asi Tenzi. Iye anemi pamunenge muchitonga.

7Saka zvino ivai vanhu vanotya Tenzi. Chenjererai zvamunoita nokuti muna Tenzi, Mwari wedu hamuna unyengedzi kana rusaruro kana kugamuchira pfumbamuromo.”

8NomuJerusaremuwo Jehoshafati akasarudza muvaRevhi nomuvapristi nomuvatungamiriri vedzimhuri dzeIsiraeri vamwe vavo kuitira kuti murao waTenzi uchengetwe nokugadziridza zvinenge zvanetsa. Vaigara muJerusaremu.

9Zvaakavatemera ndezvokuti, “Izvozvi ndizvo zvamuchaita mukutya Tenzi nomukutendeseka nomwoyo wose.

10Panenge mhosva yapirwa kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere mumaguta adzo iri yokudeura ropa kana yokutyora mutemo kana murao nezvirevo nezvirongwa; munofanira kuvadzidzisa kuitira kuti varege kupara mhosva pana Tenzi uye kuti arege kuvirukira nehasha imi nehama dzenyu. Izvozvo ndozvamunofanira kuita mugorega kupara mhosva.

11Chinzwai, mupristi mukuru Amariya ndiye anokutungamirirai mune zvinhu zvose zvaTenzi. Wokutarisa zvose zvokwamambo ndiZebhadhiya mwanakomana waIshimaeri mutongi wedzinza rokwaJudha. VaRevhi vachange varivo machinda enyu. Shingai muzviite, Tenzi ngaave zvake nomururami.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help