2 Madzimambo Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mubhuku rino Bhuku rechipiri raMadzimambo rinoenderera mberi norungano kana kuti nhoroondo dzoupenyu hwavaIsiraeri namadzimambo avo kubvira panosiira bhuku iri rine zvikamu zvikuru zviviri. Chokutanga chinotaura nezvoumambo hwakabatana. Umambo uhu hwakanga huripo kubvira muna 1043—931 K.A.A. (1:1) Chikamu ichi chinotaura nezvamadzimambo akaipa eIsiraeri, kubva pana Ahaziya kusvika kuna Hosheya. Madzimambo iwayo ari masere aiva okutotanga mumwe wacho auraiwa. Panguva iyoyo muporofita waMwari akanga aripo ndiErisha. Chikamu chechipiri chinotaura nezvoumambo hwakasara hurimo munyika hokwaJudha. Kunyange kwakanga kuna madzimambo akarurama vairamba vachitadza kuchengeta chitenderano chavo naMwari. Pakupedzisira naivowo vakazoendeswa kuutapwa kuBhabhironi.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rechipiri raMadzimamboUmambo hwakapararana (1:1—17:41)a) Muporofita Erisha (1:1—8:15)b) Madzimambo okwaJudha (8:16—17:4)c) Kuparara kweguta reSamaria (17:5–41)Umambo hwakambosara (18:1—25:30)a) Kubva kuna Hezekiya kusvika kuna Josiya (18:1—21:26)b) Kutonga kwaJosiya (22:1—23:30)c) Madzimambo okupedzisira okwaJudha (23:31—24:20)d) Kuparara kweJerusaremu (25:1–30)