Vakorose 4 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Vanatenzi batai varanda venyu zvino ruenzaniso uye zvakarurama muchizivawo kuti imi muna tenzi kudenga.

Basa rokuparidzira vamwe chikristu

2Rambai muchinamata, mungwarire kunamata muchitenda.

3Mutinamatirewo kuti Mwari atizarurire musuo weshoko kuti tiparidze zvakavandika zvaKristu. Ndiri muno mujeri pamusana pazvo

4kuti ndiri tsanangure zviri pachena sezvandinofanira kuti ndiite.

5Fambidzanai noungwaru navasiri mubato renyu. Pane zvenguva, mototi chawawana batisa.

6Matauriro enyu ngaave matauriro akanaka kuti muzive kunyatsodavira anenge akubvunzai.

7Tikikusi achakuzivisai nezvangu zvese. Ihama yapamwoyo, mushandiri akatendeka mushandipamwechete muna Tenzi.

8Izvozvi ndizvo zvakaita kuti ndimutumire kwamuri kuti imi muzive kuti isu takadii uye kuti, agokukurudzirai

9Ndamutumira pamwechete naOnesimo hama yakatendeka yapamwoyo, mumwe wenyu. Vachakutaurirai zvose zvakaitika kuno.

10Muri kukwaziswa naAristakusi, musungwa pamwechete neni uye Mariko munun'una wamakarairirwa nezvake. Kana auya kwamuri mugamuchirei

11naJesu anonzi Jusutusi ivava ndivo chete vokudzingiswa pakati pavashandipamwe neni muumambo hwaMwari, ndivo vaindinyaradza.

12Epafurasi, mumwe wenyu, muranda waKristu Jesu, ari kukukwazisai. Anokuyeukai nguva dzose mumunamato kuti muve vanhu vabve zano uye muchinyatsoziva zvose zvinodiwa naMwari.

13Ini ndinomupupurira kuti akakushandirai zvakaoma imi nevokuRaodhesia nevokuHeraporisi.

14Ruka, chiremba wapamwoyo naDhemasi vanokukwazisai.

15Ndikwazisireiwo hama dziri muRaodhesia naNipfa nesangano riri pamusha pake.

16Kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, ngaiverengwewo musangano rovokuRaodhesia. Imiwo munofanira kuzoverenga yokuRaodhesia.

17Muti kuna Achipusi, “Unofanira kuita basa rawakagamuchira kuna Tenzi.”

18Ndini Pauro ndinonyora noruoko rwangu ndichikukwazisai. Yeukai ngetani dzangu.

Nyasha ngadzive nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help