Zekariya 11 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Zurura misuo yako iwe Rebhanoni

moto uroromese miti yako yemisidhari.

2Iwe muti womusaipurasi ungudza

nokuti miti yemisidhari yawa

nokuti miti ine mbiri yaparara.

Hwihwidzai kuchema imi mioku yeBhashani

nokuti sango dema rarizhaniswa.

3Terera unzwe mhere yavafudzi

nokuti mbiri yavo yaparadzwa.

Heko kudzvova kweshumba nokuti jokotywa resango,

sango raJorodhani raparara.

4Zvanzi naTENZI, Mwari wangu, “Iva zvako mufudzi wedanga rezvipfuwo zvakatemerwa kuuraiwa.

5Vanenge vadzitenga vanodziuraya voenda havo vasina kurangwa, uye vanodzitengesa vanotozviti, ‘TENZI ngaarumbidzwe!’ Ndazopfuma ini, uye vafudzi vavo chaivoivo havana tsitsi navo.

6Ndinodaro nokuti handisisina tsitsi navagari venyika iyi, ndizvo zviri kutaura TENZI. Rega zvako uone! Ndichaitisa vanhu kuti mumwe nomumwe awire mumaoko omufudzi wake, mumwe nomumwe achiwira mumaoko amambo wake. Vachapwanya nyika, handina wandinonunura mumaoko mavo.”

7Saizvozvowo ini ndakabva ndava mufudzi wedanga rezvipfuwo zvakatemerwa kuuraiwa navanoita mhindu dzokutengeserana makwai. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri, imwe ndakaitumidza zita rokuti, “Nyasha.” Imwewo ndikaipa zita rokuti, “Kuwirirana.” Ndakafudza hwai dzacho.

8Nomwedzi mumwechete chaiwo, ndakaparadza vafudzi vatatu. Asi ndakazodzamara ndotsamwa kwazvo nadzo, idzo dzaiita daka neni.

9Nokudaro ndakati handichava mufudzi wenyuzve. “Chafa chafa, chaparara chapararawo, zvinenge zvasara regai zvidyane kunyanya zvazvo.”

10Ndakatora tsvimbo yangu iya inonzi “Nyasha,” ndikaityora kuri kutotyora chibvumirano chandakanga ndaitirana namarudzi avanhu ose zvawo.

11Nezvo chibvumirano chacho chakabvawo chadzimwa pazuva iroro. Izvozvo vaya vemhindu dzokutengeserana makwai vakanga vakaisa maziso pandiri vakabva vazviziva kuti iroro rakanga riri shoko raTENZI.

12Ini ndokuti kwavari, “Kana maona zvakanaka nditambiriseiwo zvenyu mubayiro wangu, asi kana zvisina uchengetei henyu.” Saka vakayera makumi matatu emari yamashekeri yesirivha.

13TENZI akandiudza kuti, “Iise munochengeterwa upfumi,” iwo mazimari acho omubayiro wavakanditambirisa. Saizvozvo ini ndakatora makumi matatu emari yamashekeri yesirivha ndikaiisa munochengeterwa upfumi mumba yaTENZI.

14Ndakatyorawo tsvimbo yangu yechipiri iya inonzi, Kuwirirana, ndichitoparadza ukama huri pakati pevokwaJudha nevokwaIsiraeri.

15TENZI akabva ati kwandiri, “Chimbotorazve iye zvino zvombo zvomufudzi asina maturo.

16Nokuti, chinzwa, ini ndava kumutsa munyika iyi mufudzi asina hanya nedzinoparara, kana kutsvakawo dzinorasika, kunyange kurapa dzakakuvara, kana kupa chokudya dzakagwinya. Asi kuti anotodya dzakakora, achikwachura mazondo adzo.

17“Ane nhamo, mufudzi wangu,

mufudzi asina maturo

anotiza danga rezvipfuwo.

Bakatwa ngaribaye ruoko rwake,

neziso rake rorudyi.

Ruoko rwake ngarubva rwanyatsoti rukutu.

Ziso rake rorudyi ribve ranyatsopofomara.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help