Jeremiya 32 - Shona Common Language Bible(SCLB)

D: ZVIMWEWO ZVIRI MUBHUKU ROKUNYARADZAKutenga gura kwaJeremiya, chiratidzo chokugadzikana kwezvinhu

1Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mugore regumi rokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha riri gore regumi nechisere rokutonga kwaNebhukadhireza.

2Panguva iyoyo hondo yamambo weBhabhironi yakanga yakakomba Jerusaremu, izvozvo muporofita Jeremiya akanga akapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo yaiva mumuzinda wamambo wokwaJudha.

3Zvakanga zvaitika ndezvokuti, Zedhekiya mambo wokwaJudha akanga amuisa mujeri achiti, “Unoporofitirei uchiti, zvanzi naTenzi regai muone ndava kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi uye acharitora?

4Zedhekiya uyu mambo wokwaJudha haasi kuzopunyuka mumaoko mavaKaridhea. Asi achatoiswa chete mumaoko mamambo weBhabhironi vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso vachionana ziso neziso.

5Achaendesa Zedhekiya kuBhabhironi, achagara ikoko kusvikira ndazomushanyira, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Kunyange zvazvo muchirwisana navaKaridhea sei, hamusi kuzokurira?”

6Jeremiya akati, “Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati

7chiona, Hananero mwanakomana wokwaSharumu babamudiki vako, achauya kwauri achiti, ‘Tengai zvenyu munda wangu uri kuAnatoti nokuti mvumo yokuununura muchiutenga ndeyenyu imi.’

8“Munun'una wangu Hananero akazouyawo kwandiri ndiri munhandare yevachengetedzi vokwamambo maererano neshoko raTenzi akati kwandiri, ‘Tengai henyu munda wangu uri kuAnatoti munyika yokwaBhenjamini nokuti imi ndimi mune mvumo yokutenga neyokuva mwene wawo. Dai henyu mukautenga!’ Ini ndokubva ndaziva kuti ndoshoko raTenzi riya.”

9Ini ndakatenga munda iwoyo kuAnatoti kumunun'una wangu Hananero ndikamuerera mari yacho yamashekeri esirivha gumi namanomwe.

10Ndakasaina zita rangu patsamba yechibvumirano chacho ndikaidhinda ndikawana zvapupu ndikaera mari iyoyo pazvikero.

11Ndakatora tsamba yakadhindwa iyoyo yechibvumirano chokuutenga yakanga iine mitemo yakawiriranwa nezvaizofanira kutevedzwa zvacho neimwewo tsamba.

12Ndakapa tsamba iyoyo yechibvumirano chokuutenga kuna Bharuku mwanakomana waNeriya mwanakomana wokwaMahiseya. Ndakavapa munun'una wangu Hananero aripo, zvapupu zviya zvakanga zvasainwa patsamba yechibvumirano chokuutenga zviripowo. Izvozvo paivawo navaJudha vakanga vachiita dare munhandare yavachengetedzi vokwamambo.

13Ndakarayira Bharuku iyoyo aripo kuti,

14“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo,

Mwari weIsiraeri, tora tsamba

idzi dzose dziri mbiri dzinoti

yechibvumirano chokutengeserana yakadhindwa,

neimwe tsamba iyi

udzirongedze mumudziyo wevhu

kuitira kuti dzichengetekemo

kwenguva refu

15nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo

Mwari weIsiraeri: ‘Dzimba

namapindu namapindu amagirepisi

zvichatengeseranwazve imo munyika muno'mu.’ ”

16Mushure mokunge ndagamuchidza tsamba yechibvumirano chokutenga ichocho kuna Bharuku mwanakomana wokwaNeriya, ndakanamata kuna Tenzi ndichiti,

“Nhai Tenzi Mwari,

17imimi ndimi makasika matenga napasi nesimba

roruoko rwenyu rakakurisa.

Hakuna chinokuomerai,

18imi munoitira mwoyochena

zviuru nezviuru muchitsividza mhosva

dzamadzibaba kuvana vavo vanouya

mushure mavo. Imi ndimi Mwari mukuru

mukuru ana masimba ane zita rokuti

Tenzi wehondo nehondo,

19zvamunoronga zvikuru uye mabasa enyu makuru

mune meso anoona nzira dzose dzavanhu

munowanisa munhu wese mubayiro wezviito zvake

maereranowo nezvinobva mukuita kwake.

20Imi makaonesa zviratidzo

nezvishamiso munyika yeIjipiti kusvikira

pari nhasi muIsiraeri nomukati mavanhu

vose zvavo mukazviwanira zita sezvazviri nhasi uno.

21Makaburitsa vanhu venyu vaIsiraeri

munyika yeIjipiti

nezviratidzo nezvishamiso nesimba guru

roruoko rwenyu noukuru hwenyu uye

nezvinhu zvinodederesa kwazvo.

22Makazovapa nyika ino yamakatsidza kumadzitateguru

avo kuti muchazovapa nyika yakanaka, yomukaka nouchi.

23Vakapindamo vakaiitawo yavo,

asi havana kuteerera izwi renyu

kana kutevedza mutemo wenyu.

Hapana kana chavakaita pazvinhu zvose zvamakavatemera

kuti vaite. Ndokusaka imi makaita kuti

nhamo iyi ivawire.

24“Hezvika, zvimudhuri zvinenge musana wenzou

zvokukomba nazvo zvazosvikirawo guta rino kuzoritora.

Zvino bakatwa neshangwa

yenzara nedenda zvakonzera kuti guta

rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vari kurirwisa.

Zvamakareva zvaitika uye kana imi muri kutozviona.

25Zvakadaro zvazvo, imi Tenzi Mwari makanditi,

‘Tenga gura iro nemari uve nezvapupu,’

kunyange zvazvo guta irori ratoiswa

mumaoko mavaKaridhea.”

26Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati,

27“Chinzwa, ndini Tenzi, Mwari wechose chine mweya wokufema, pane chinhu chingabva chanyatsondiomera here?

28Naizvozvo zvanzi naTenzi, chiona, ndava kuisa guta rino mumaoko mavaKaridhea nomumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, iye acharitora.

29VaKaridhea vari kurwisa guta rino vachauya vagotungidza guta rino nomoto varipise pamwechete nedzimba dzine pamatenga paipisirwa rusenzi kuna Bhaari pachiteurwa mipiro yezvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vandishatirise.

30Chandinodariro ndechokuti vanhu vokwaIsiraeri nevokwaJudha hapana chimwe chavakaita kusara kwouipi chete mumaziso mangu kubvira pauduku hwavo. Vanhu vokwaIsiraeri hakuna chimwe chavakaita kusara kwokungondishatirisa chete netwavanobata namaoko avo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.

31Guta rino rakanditsamwisa rikandishatirisa kubvira musi warakavakwa kusvikira pari nhasi, zvokuti handichadi kuriona mumaziso mangu

32raparirwa nouipi hwavanhu vokwaIsiraeri navanhu vokwaJudha hwavakaitira kuti vandishatirise, ivo namadzimambo avo namachinda avo navapristi vavo uye navaporofita vavo, vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu.

33Vakatondipa gotsi vachirega kunditarisa uye kunyange zvazvo ndakaramba ndichivadzidzisa, ivo havana kana kumboteerera kuti vagamuchire zvavaiudzwa.

34Vakatogadziki zvavo zvandisingade mumba inodaidzwa nezita rangu, kuin'oresa.

35Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mubani romwanakomana wokwaHinomu pokupira vanakomana vavo navanasikana vavo sezvibayiro kuna Moreki, kunyange zvazvo ini ndisina kuvatuma uye hazvina kana kumbouya mumwoyo mangu kuti vazoita chinhu chandisingade ichi vachipinza vokwaJudha muchitadzo.

Tenzi anodzosera makomborero kuvanhu vake

36“Zvino ndokusaka zvava kunzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, maererano neguta irori iri rawati, ‘Ratoiswa mumaoko mamambo weBhabhironi nebakatwa neshangwa yenzara nedenda:’

37Chinzwa, ndichavakokorodza kunyika dzose kwandakavadzingira ndakatsamwa ndakashatirwa ndakapaka nehasha zvikuru kwazvo. Ndichavadzorera kunzvimbo ino vachizogara vakachengeteka.

38Vachava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wavo.

39Ndichavapa mwoyo mumwechete nenzira imwechete kuitira kuti vagonditya narini wose kuti zvivanakire ivo zvichizonakirawo vana vavo vachauya mushure mavo.

40Ndichaita chitenderano navo chokugara narini wose chokuti handizomborega kuvaitira zvakanaka. Uye ndichaisa mumwoyo mavo mweya wokunditya kuti varege kuzondifuratira.

41Ndichafarira kuti ndivaitire zvakanaka uye ndichavasima munyika muno nokutendeka ndichizviita nomwoyo wangu wose nomweya wangu wose.

42“Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi, sezvandakangoita kupinza nhamo vanhu ava ndozvandichangoitawo, ndava kuvawanisa zvakanaka zvose zvandakavavimbisa.

43Minda ichatengwa munyika iyo ino iyi yauri kuti yava renje risisina munhu kana mhuka yatoiswa mumaoko mavaKaridhea.

44Minda ichatengwa nemari pachisainiranwa zvibvumirano zvichidhindwa zvine umbowo munyika ino iyi yokwaBhenjamini munzvimbo dzomunharaunda meJerusaremu nomumaguta okwaJudha nomumaguta okunyika yemakomo uye nomumaguta okunyika yokumanhika kuShefera uyewo nomumaguta okuNegevhu nokuti ndichavadzosera makomborero avo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help