Kuungudza Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mubhuku rino Bhuku roKuungudza ibhuku renhetembo shanu dzokuchema kuparara kweJesaremu mugore 9 587 (K.A.A) Dzinochema kumiswa kwakaitwa kunamata muTemberi nokutapwa kwakaitwa vanhu namambo navatungamiri neshangwa yenzara yakawira vanhu nokurasa mwoyo kwavanhu. Chirango ichi chirango chinokodzerana nemhosva dzavanhu asi munyori anoratidza kuti zvakadaro zvazvo Mwari ndiMwari ane tsitsi, anoregerera, Mwari worudo anogona kugadziridza nokuzvidzorera pakare.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku roKuungudzaKuparadzwa kweJerusaremu (1:1–22)Hasha dzaMwari (2:1–22)Munamato wokukumbira ngoni (3:1–66)Kukombwa kweJerusaremu (4:2–22)Munamato wokuti zvinhu zvidzorerwe pakare (5:1–22)