Nziyo 4 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Munamato wamanheruKumuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzewaya. Rwiyo rwaDhavhidhi.

1Pandinodanidzira, ndipindureiwo,

imi Mwari anorwira zvandinokodzera.

Pandakanga ndapinda nhamo, makandifaranutsa.

Ndiitireiwo mwoyochena munzwe munamato wangu.

2Nhaimi vanhu, kusvikira riniko

muchirerutsa chiremera changu?

Kuchasvikira rini muchifarira

mashoko asina maturo

nokufarira kuva vanazinyepera?

Dzepfunde

3Asi zivai kuti TENZI

akazvitsaurira vakarurama.

TENZI anondinzwa pandinodana kwaari.

4Shushikanai zvenyu asi musatadze.

Rangarirai mumwoyo menyu pauvato hwenyu

munyarare.

Dzepfunde

5Pirai zvibayiro kwazvo

muvimbe naTENZI.

6Kuna vazhinji, vanoti,

dai waro zvinhu zvatinakira,

mativhenekerawo nokupenya

kwouso hwenyu, imi TENZI.

7Makaisa rufaro mumwoyo mangu

kupinda vanhu kana vawana

matutu matutu embeswanwa

nebvachapfacha rewaini.

8Zvose kurara nokukotsira

ndinozviwana murugare

nokuti imi moga, ndimi TENZI munoita kuti

ndigare ndakagarikana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help