1 Vatesaronika 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Basa raPauro muTesaronika

1Hama dzangu imi pachenyu munoziva kuti kukushanyirai kwedu kwakanga kusiri kusina maturo.

2Kunyange zvedu takambenge tatambudzika uye tanyadziswa kuFiripi, sokuziva kwenyu, takaita chivindi muna Mwari wedu; takakuparidzai Shoko Rakanaka raMwari pakati pavanhu vairwisana zvikuru nezvataiita.

3Kukukurudzirai kwedu hakubvi mune zvemanomano kana mune zvisina kuchena kana kuda kunyengedza.

4Asi sokuonekwa kwatakaitwa naMwari kuti takakodzera kuti Shoko Rakanaka riiswe mumaoko medu, naizvozvo tinotaura kwete kuti tifadze vanhu, asi kuti tifadze Mwari anoongorora zvatiri.

5Sezvamunoziva, hatina kushandisa mazwi okubata vanhu kumeso kana mazwi okufukidza kuda upfumi kwedu. Mwari angatipupurirewo.

6Hatina kutsvaka mbiri inobva kuvanhu, kungave kwamuri imi kana kunavamwe. Kunyange zvedu taigona, savapositori vaKristu, kunge takakuremedzai nezvokuita,

7asi taiva vanhu vanyoro pakati penyu saamai vanoyamwisa vari kuchengeta vana vavo.

8Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri.

9Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari.

10Imi, pamwechete naMwari, munotova zvapupu zvokuti maitiro edu kwamuri vatendi, takanga tiri vatsvene zvakadii, takarurama zvakadii tisina chatingapomerwe zvakadii.

11Imi munoziva kuti ini, sababa ana vana vake,

12ndakakukurudzirai mumwe nomumwe wenyu ndichikunyaradzai nokukukurudzirai kuti mugare upenyu hunokodzerana naMwari anokudaidzirai kuti mupinde muumambo hwake nomumbiri yake.

13Tinotendawo Mwari nguva dzose pamusoro pezvizvi zvokuti pamakagashira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi sezvariri, seshoko raMwari riri kushanda mamuri imi vatendi.

14Imi hama, makasanganawo nezvakawira masangano aMwari okuJudhea muna Kristu Jesu nokuti imi makarwadziwawo nezvinhu zvakabva kuvanhu vomunyika menyu sezvavakaitwawo navaJudha.

15Vakauraya Tenzi Jesu navaporofita uye vakatitandanisa; vanotsamwisa Mwari vachiita zvinorwisana navanhu vose

16nokutidzivisa kutaura kune vechirudzi kuti vaponeswe. Naizvozvo vanotozadzikisa ukuru hwezvitadzo zvavo. Asi pokupedzisira Mwari avakuvavinga nehasha dzake.

Pauro anoshanyirazve Tesaronika

17Hama, patakamboti paradzaniswei kwechinguva pakuonana kwete mupfungwa, taitodisisa kwazvo tikaita shungu dzokukuonai uso nouso.

18Taida kuuya kwamuri. Iyeni Pauro ndaida kuuya kakatowanda, asi Satani akatidzivisa.

19Ko chitarisiro chedu chii norufaro rwedu chii kana chiremba chedu chokudada nacho pamberi paTenzi wedu Jesu paanouya chii? Hamusirimi here,

20nokuti imi ndimi mbiri yedu norufaro rwedu?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help