2 Nhoroondo 7 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kuteketererwa kuna Mwari kwemba yaTenzi(1 Madzi 8:62–66)

1Zvino kuzoti Soromoni apedza kunamata, moto wakatozomoka kudenga ukaroromesa mupiro wokupisa nezvibayiro, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukazadza Temberi yacho.

2Vapristi havana kugona kupinda mumba yaTenzi pamusana pokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyoyo.

3Pakaona vanhu vose veIsiraeri kutozomoka kwakaita moto nokupenya kwokuvapo kwaTenzi paTemberi, vakati kota kota pasi nouso panhandare yakanga yakagadzirwa, vakanamata vakatenda Tenzi vachiti,

“Nokuti wakanaka,

uye mwoyochena wake hauperi.”

4Mambo navanhu vose veIsiraeri vakapira zvibayiro kuna Tenzi.

5Mambo Soromoni akapira zvibayiro zviuru makumi maviri emombe, nehwai zviuru zana namakumi maviri, nokudaro mambo navanhu vose vakateketerera imba iyoyo kuna Mwari.

6Vapristi vakamira munzvimbo dzavo, vaRevhiwo vaine zvokuridzisa mumhanzi waTenzi zvakagadzirwa namambo Dhavhidhi kuitira kurumbidza Tenzi pamusana pokuti mwoyochena wake hauperi. Dhavhidhi paaivarumbidzisa Mwari, vapristi vairidza mabhosvo vakatarisana navo, vaIsiraeri vose vakamira.

7Soromoni akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa namafuta omupiro wokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendaira yakagadzirwa naSoromoni, yakanga isingakwane kuisa pairi mipiro yokupisa nemipiro yeupfu hwembeswana namafuta.

8Panguvawo iyoyo Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo, vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kuKakova keIjipiti.

9Pazuva rechisere vakaita musangano mukuru wezvokunamata nokuti vakanga vateketerera atari kuna Mwari kwemazuva manomwe, vakachengetawo mazuva makuru kwamazuva manomwe.

10Pazuva rechimakumi maviri nechitatu romwedzi wechinomwe akaparadza musasa woonekana navanhu kuti vaende kumisha yavo. Vakaenda vasisazive pokuisa mwoyo nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuna Soromoni nokuvanhu vake vaIsiraeri.

Mhinduro yaMwari kuna Soromoni(1 Madzi 9:1–9)

11Saizvozvo Soromoni akapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaiva nazvo mumwoyo zvokuita mumba yaTenzi nomumuzinda make akanyatsozviita.

12Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti,

“Munamato wako ndaunzwa,

ndasarudza nzvimbo ino kuti ive

yangu kuti ive imba

yokupirira zvibayiro.

13Ndikange ndapfiga matenga

kuti arege kunayisa mvura

kana kuti ndikatuma mhashu kuti

dzirozve nyika ino kunyange

kutuma denda mukati mavanhu vangu;

14kana vanhu vanodaidzwa

nezita rangu vakazvirereka,

vakanamata vava kutsvaka kuti ndivacheukewo,

vakasiya nzira dzavo dzakaipa;

pakadaro ini ndichavanzwa

kudenga uku, ndigovaregerera

chitadzo chavo ndigoporesawo nyika yavo.

15Zvino meso angu achange

akatarisa, nzeve dzangu

dzakanyatsoteerera munamato

unoitwa panzvimbo ino.

16Zvino ndasarudza imba

ino ndikaiita kuti iere, kuitira

kuti zita rangu rive

pairi nokusingapere.

Ziso rangu nomwoyo

wangu zvichange zviri pairi narini wose.

17Kana uriwe, dai zvako

ukaita mufambiro wandinoda

sezvaiita baba vako Dhavhidhi

uchiita zvose sokuudza

kwandakakuita uchichengeta

murao yangu nezvirevo zvangu.

18Kana wadaro ndichaita

kuti umambo hwako hudzike midzi,

sokutsidzirana kwandakaita

nababa vako Dhavhidhi ndichiti,

‘Hazvichafa zvakamboitika kuti

ini ndishaye munhu womumba mako

wokuzotonga Isiraeri.’

19“Asi kana mukazotsauka

zviye zvokutofuratira zvenyu

mirao yangu nemitemo yangu

yandakakupai moenda kundonamata

vamwe vamwari muchivapfugamira,

20ini ndopandichakutipurai

munyika ino yandakupai.

Kanawo imba iyoyi yandaeresera

zita rangu, ndichaibvisa

zvokusambodazve kuzoiona mumaziso mangu.

Ndichaita kuti izvozvi izvi

zvive setsumo yavanhu

nechiseko chenyika mukati memarudzi ose.

21“Kunyangewo pamba

iyoyi iyi ine mukurumbira kudai,

vapfuuri nenzira vose

vachanyatsoti kanha kunana

vachishamiswa nazvo,

vachitozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi

chaadariro nyika ino nemba iyi chii?’

22Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti

vakafuratira Tenzi, Mwari

wavo, nyakuburitsa madzitateguru

avo kuIjipiti ndokusimba

navamwe vamwari vovapfugamira

vachivanamata, ndokusaka

akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help