VaHebheru 8 - Shona Common Language Bible(SCLB)

B: UPRISTI HWAJESU HUKURUJesu mupristi wedu mukuru

1Chikuru chatiri kutaura apa ndechichi chokuti, tine mupristi mukuru agere kurudyi rwechigaro choumambo choukuru–ukuru chokudenga.

2Ndiye mushandiri womuNzvimbo Tsvene, tendhe rechokwadi risina kumiswa navanhu asi naTenzi.

3Mupristi mukuru oga oga anogadzwa kuti apire zvipo nezvibayiro. Naizvozvo mupristi iyeyo anofanira kuva nezvipo zvaanopira.

4Zvino dai kuri kuti aripo pasi pano haaizombova mupristi zvapane vapristi vanopira zvipo maererano nomutemo.

5Vanonamata muNzvimbo inoera inongova somufananidzo nomumvuri weiri kudenga nokuti Mosesi paakanga ava kuvaka tendhe akataurirwa naMwari achinzi, “Ona kuti waita zvose maererano nezvawakaratidzwa pagomo.”

6Asi zvino Jesu akawana basa rakatonakisisa kupinda rakare. Pamusana paizvozvo ndiye ava muyananisi wechitenderano chiri nani chakaitwa nezvitsidzo zviri nani.

7Dai kuri kuti chitenderano chokutanga chakanga chisina chakaipa pachiri pangadai pasina zvokuchitsiva nechechipiri.

8Mwari anovapa mhosva paanoti,

“Zvanzi naTenzi

chionai mazuva achasvika

andichaita chitenderano chitsva

nemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha.

9Chichange chisina kufanana nechitenderano

chiya chandakaita namadzitateguru avo,

pazuva randakavabata ruoko

ndichivaburitsa munyika yeIjipiti

nokuti havana kuenderera mberi

nechitenderano changu navo

nokudaro handina kuzoita hanya navo.”

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

10Ichi ndicho chitenderano chandichaita

neveimba yokwaIsiraeri

mushure mamazuva iwayo

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo

ndigoinyora mumwoyo mavo,

ini ndichava Mwari wavo,

ivowo vachava vanhu vangu.

11Hapana achadzidzisa mumwe

achiti kuna mumwe, “Ziva Tenzi”

nokuti vose zvavo vachandiziva

kubvira pamuduku–duku wavo chaiye

kusvikira pamukuru wavo chaiye

12nokuti ndichavanzwira nyasha pazvitadzo zvavo

uye zvitadzo zvavo handichazombozvirangaririzve.

13Nokutaura nezvechitenderano chitsva,

Mwari ari kutoita kuti chakare chinzi chitsaru.

Chinhu chinenge chava kusakara,

chavakuchembera chinobva chazorova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help