Jobhu Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mubhuku rino Bhuku raJobhu rinotaura nezvorungano rwomunhu akarurama akawirwa nenhamo dzakaipisisa dzokufirwa navana vake vose nokurasikirwa noupfumi hwake hwose uye kuti iye pachake akawirwa nedenda risingatauriki.Mafungiro echiJudha aiti munhu anoita zvakanaka, mururami, anokomborerwa uye haawirwi nenhamo dzakadai. Vaiti vakaipa vanorangwa. Jobhu aifungawo saizvozvo ndokusaka airwadziwa zvakanyanya nokuti aiona kuti Mwari haana kuita zvino ruenzaniso kwaari nokuti aizviziva kuti iye pachake aiedza chaizvo kuva munhu akarurama asi akapinda munhamo namatambudziko akaomarara. Ruenzaniso rwaMwari akarushaya. Shamwari dzake dzaiti Jobhu pane zvaakatadzira Mwari ndokusaka ane nhamo dzose dzaaiva nadzo. Mwari haana kupindura mibvunzo yaJobhu asi akamuratidza ukuru hwake uye udzamu nokusanzwisisika kwebasa rake. Asi akapembedza Jobhu achishora pfungwa dzeshamwari dzake. Mwari akazopembedza Jobhu nokumudzorera utano noupfumi navana kwaakaita. Zvaifungwa naSatani kuti Jobhu achasiyana naMwari hazvina kuzoitika.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJobhuKusuma (1:1—2:13)Jobhu neshamwari dzake (3:1—31:40)a) Kunyunyuta kwaJobhu (3:1–26)b) Hurukuro yokutanga (4:1—14:22)c) Hurukuro yechipiri (15:1—21:34)d) Hurukuro yechitatu (22:1—27:23)e) Kurumbidza kwoungwaru (28:1–28)f) Mazwi okupedzisira aJobhu (29:1—31:40)Nhauro yaErihu (32:1—37:24)Mhinduro yaMwari kuna Jobhu (38:1—42:6)Mazwi okuzarira (42:7–17)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help