Nziyo 107 - Shona Common Language Bible(SCLB)

BHUKU RECHISHANU(Nzi 107—150)Mwari wakanaka, idiziro munhamo

1Tendai TENZI nokuti akanaka

mwoyochena wake hauperi.

2Vakanunurwa naTENZI ngavadaro,

vaakanunura munhamo,

3vaakakokorodza kubva kudzinyika,

kubva kumabvazuva nokumadokero,

kuchamhembe nokumaodzanyemba.

4Vamwe vakadzungaira murenje

vachishaya nzira yokuenda nayo

kuguta rokundogara.

5Vakaita nzara nenyota

vakarasa mwoyo.

6Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo,

iye akavanunura kupfumvu yavo.

7Akavatungamirira munzira yakati tasa

vakasvika muguta rokugara.

8Ngavatende TENZI nokuda kwomwoyochena wake

uye nokuda kwezviito zvake kuvanhu zvinoshamisa

9nokuti anogondwesa ane nyota

uye ane nzara anomugutsa nezvinhu zvakanaka.

10Vamwe vaigara murima nomuzarima

vari vasungwa vari munhamo

vakasungwa nesimbi

11nokuti vakanga vapandukira mazwi aMwari

vakazvidza zano roWokumusorosoro.

12Vakanga vasvipa mwoyo

nebasa rakaomarara

vakawira pasi pasina anovabatsira.

13Vakazochema kuna TENZI

munhamo dzavo,

iye akavanunura mupfumvu yavo.

14Akavaburitsa murima nomuzarima

akadambura misungo yavo.

15Ngavatende TENZI mwoyochena wake

uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa,

16nokuti anopwanya makonhi endarira

achityora napakati zvihuri zvesimbi.

17Vamwe vakarwara nokuda

kwokutadza kwavo,

vakapinda pfumvu

pamusana pouipi hwavo.

18Vakasema zvokudya zvose

vakatenge voda kufa.

19Vakazochema kuna TENZI

munhamo dzavo,

iye akavanunura kupfumvu yavo.

20Akavarapa nezwi rake

akavanunura pakuparadzwa.

21Ngavatende TENZI mwoyochena wake

uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa.

22Uye ngavapire chibayiro chokutenda

vaparidze mabasa ake

nenziyo dzorufaro.

23Pane vamwe vakaenda

kugungwa nengarava

vachiita ushambadzi

vari mumvura zhinji.

24Vakaona zvinoita TENZI,

zviito zvake zvinoshamisa makadzika.

25Akataurira dutu kuti risimuke

rikasimudza masaisai egungwa.

26Vaimboti mudenga kata

vozomboti pasi pasi vido pakadzika,

vakapererwa nechivindi

mujambwa ravo rakaipa.

27Vakadzengedzeka vakadzadzarika

savanhu vakadhakwa

vapererwa nopfungwa.

28Vakazochema kuna TENZI munhamo yavo

iye akavanunura kupfumvu yavo.

29Akanyaradza dutu,

masaisai egungwa akabva apomhodzwa.

30Vakabva vafara

nokuti vakave norunyararo

uye nokuti akavaunza

pokumisa ngarava pavaida.

31Ngavatende TENZI mwoyochena wake

uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa.

32Ngavamurumbidze mugungano ravanhu

vamurumbidze musangano ravakuru vakuru.

33Anosandura nzizi kuva gwenga

zvisipiti zvomvura zvichiva ivhu rine nyota

34nyika inobereka ichiva renje romunyu

nechikonzero chouipi hwavagari vayo.

35Anosandura gwenga richiva madziva emvura

nyika yakaoma ichiva zvisipiti zvemvura.

36Vanenzara vanotonoita musha ipapo

vachitovaka guta rokugara

37vachitodyara minda, vachitosima migirepisi

vachiwana kukohwa kwakanaka.

38Ivo pachavo aivakomborera vachitowanda kwazvo

asingabvumiri kuti zvipfuwo zvavo zvishomeke,

39kana vainge vashomekeswa,

vaitwa vanhu vasina maturo

pamusana pokudzvinyirirwa

kana kuti nenhamo kana nokusuruvara.

40Aizvidza machinda

achiita kuti vadzengerere murenje

41asi anobvisa kunhamo vasina chavanacho

achiwanza mhuri dzavo samatanga ezvipfuo

42Vakarurama vanozviona vagofara;

asi vakaipa vose vachati muromo kapu nazvo.

43Munhu wose mungwaru

ngaacherechedze zvinhu izvi

vanhu ngavarangarire

mwoyochena waTENZI.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help