Vagaratia Zviri mutsamba yokuvaGaratia - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mutsamba yokuvaGaratia Tsamba kuvaGaratia: sangano rokuvaGaratia rakanga ragamuchira Shoko Rakanaka zvakanaka. Asi vakanga vatangisa kusiya gwara rakanaka iri vavakurasika (3:1–5). Tsamba iyi yakanyorerwa kuvadzora nokuvayeuchidza chikomborero chavakanga vawana muchikristu. Kuna vamwe vakanga vavakudzidzisa sangano iri vachiti, kuti munhu aponeswe, anofanira kuchengeta zvisungo zvomutemo waMosesi uye kuti vanofanira kudzingiswa. Vanhu ava vakanga vari vaJudha vakanga vapindukira kuchikristu uye vaiti Pauro haazi mupositori (tarisa 1:10–24). Nezvo Pauro akanyorera Vagaratia tsamba iyi inotaura namazwi akasimba kwazvo. Chokutanga anovazivisa kuti iye mupositori chaiye savamwe vapositori vaJesu. Chechipiri akavataurira kuti vavakurasiswa rusununguko rwavo vachipinzwazve muuranda hokunzi vachengete zvisungo zvemitemo yechiJudha vachisiya chikomborero chenyasha dzaMwari dzokuti vanoponeswa nenyasha dzaMwari pamusana pechitendero chavo kwete kwete pamusana pokuchengeta mutemo waMosesi vachinzi vanofanira kuti vadzingiswe (5:1–12). Pauro anototi kana zvakadaro Kristu akafira pasina, akafira nhando.Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokuVagaratiaKusuma (1:1–9)I Kuzvidzivirira kwaPauro (1:10—2:21)II Chidzidziso chebhuku rino (3:1—4:31)III Kukurudzirwa kwaVagaratia (5:1—6:18)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help