Nziyo 19 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi.Kunaka kwakaita zvisikwa nemirao yaMwari

1Matenga anoparidza mbiri yaMwari,

ziendanakuenda rinodura pachena

mabasa aMwari.

2Zuva roga roga rinotaura kusvika kune rimwe,

nousiku humwe hunotsvitsa kunohumwe

ruzivo irworwu.

3Hapana kutaura kana mashoko

kana izwi rawo rinonzwika.

4Asi izwi rawo rinosvika pasi pose,

mazwi avo anosvika kwakaperera nyika,

akaitira zuva musha maari

5rinobuda somukuwasha mumba make

somurume ane simba, rinomhanya

nzira yaro norufaro.

6Rinobuda kwakaperera denga

richifamba kundosvika kumwe kwarinogumira.

Hakuna chingavande kupisa kwaro.

7Mutemo waTENZI mutemo uzere,

unomutsiridza munhu.

Kupupurira kwaTENZI ndokwechokwadi,

kunopa ungwaru kuna vasina njere.

8Zvirongwa zvaTENZI zvakarurama,

zvinofadza mwoyo.

Murau waTENZI mutsvene tsvene

unovhenekera maziso.

9Kutya Mwari chinhu chakachena,

chinogara nokusingaperi

mitemo yaTENZI iri pachokwadi

uye yakarurama kwazvo.

10Inofanira kudiwa kukunda ndarama,

kutopinda ndarama yakanakisisa,

inotapirawo kupinda uchi

kupinda musvisvi wezinga rouchi.

11Uyewo unoyambira muranda wenyu

kuichengeta kunowanisa mubayiro mukuru.

12Asi ndiani angaone zvikanganiso zvake;

ndicheneseiwo kunezvikanganiso zvakavanda.

13Ndidzivirireiwo ini muranda wenyu

kuzvitadzo zvokuita ndichida.

Ngazvirege kunditonga.

Naizvozvo ndichava munhu asina mhosva

uye asina kupara mhosva huru.

14Dai mazwi angu nepfungwa

dzemwoyo wangu zvangove

zvinogamuchirika kwamuri,

imi TENZI, bako rangu

nomununuri wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help