1Kuzoti Ishibhosheti mwanakomana waSauro anzwa kuti Abhuneru akafira kuHebhuroni zvakamupedza simba, zvikakangaidzawo vokwaIsiraeri vose.
2Zvino mwana waSauro uyu aiva navarume vaviri vaiva vokutungamirira zvikwata zvavapambi. Mumwe ainzi Bhaana, mumwe achinzi Rekabhu vanakomana vaRimoni mumwe murume wokwaBhenjamini wokuBheeroti (nokuti Bheeroti iyi inonzi ndeye vokwaBhenjamini.
3Bheeroti akatizira kuGitaimu, nanhasi wose achiri kugarako somutorwa).
4Jonatani mwanakomana waSauro akanga aine mwana wake mukomana akaremara makumbo. Zvakanga zvaitika ndezvizvi: mwana uyu aine makore mashanu pakauya shoko riya rezvaSauro naJonatani richibva kuJezirieri; mureri wake akangoti nho mwana ndokutiza. Achingunotiza kudaro zvechimbichimbi, mwana ndiye pasi pu achibva aremara. Mwana uyu ainzi Mefibhosheti.
5Zvino vana vaRimoni wokuBheeroti vanaRekabhu naBhaana vakasimuka vakandosvika kumba kwaIshibhosheti zuva richirova nhongonya iye akanga ari panguva yake yamasikati yokuzorora.
6Vakapinda mumba yomukati vachiita sokunge vari kuda kundotora koroni vakabva vamubhovhora padumbu. Rekabhu nomunun'una wake Bhaana ndokubva vatiza.
7Vakapinda mumba make, iye ari kutsi kwehope pamubhedha pake kudaro, vakamubaya vakamuuraya vakamudimura musoro. Vakatakura musoro wake vakararirofamba usiku hwose nomunzira yokuArabha.
8Vakasvika nomusoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi kuHebhuroni. Vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu aida kukuurayai. Mambo changamire, Tenzi akutsivirai Sauro navana vake nhasi uno.”
9Asi Dhavhidhi akapindura Rekabhu nomunun'una wake Bhaana vanakomana vaRimoni vokuBheeroti achiti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu akandinunura munjodzi dzose
10kuti mumwe paakandiudza kuti, ‘Sauro afa uku,’ achifunga kuti ari kutondiunzira dama rakanaka, ndakamubata ndikamuuraya kuZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa.
11Ndoda kutozoti apa, vanhu vakaipa vatouraya zvavo mururami mumba make ari pamubhedha wake; imi ndimi vandichaita kuti muripe ropa romunhu iyeyo nokukutsakatisai panyika kwandichaita.”
12Dhavhidhi akabva atuma majaya ake, akavauraya akavadimura maoko netsoka, vakavasungirira pedyo nedziva kuHebhuroni. Asi musoro waIshibhosheti vakautora vakauviga muguva raAbhuneru kuHebhuroniko.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.