1 Nhoroondo 26 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Vachengetedzi vepamba yaTenzi

1Zvikwata zvevachengetedzi vokumisuo mikuru zvakanga zvakamira zvakadai izvi:

kune vokwaKora paiti Mesheremiya mwanakomana

waKore wevana vokwaAsafu.

2Mesheremiya aiva navana vake vakomana ava vanoti:

Zekariya dangwe racho

achitevedzerwa naJedhieri

wechitatu ari Zebhadhiya

wechina ndiJatinieri

Eramu ari wechishanu

3wechitanhatu ndiJehohanani

wechinomwe ari Eriehoenai.

4Obhedhiedhomu aiva navanakomanawo vaiti:

dangwe racho Shemaya

tevere Jehozabhadhi

wechitatu ndiJoa

wechina ari Sakari

wechishanu ndiNetaneri

5wechitanhatu ari Amieri

Isakari ariye wechinomwe

wechisere ndiPeuretai

nokuti Mwari akavakomborera.

6Uyewo mwanakomana wake Shemaya akaberekawo vana vakomana vakava vatungamiriri vomudzimhuri dzokwavo nokuti vaiva mvumba chaidzo dzamagamba.

7Vanakomana vaShemaya ndiOtini naRefaeri

naObhedhi naErizabhadhi vaiva nehama

dzaiva noushasha pakuita zvinhu vana Erihu naSemakiya.

8Vose ivava ava vaiva vanakomana vokwaObhedhiedhomu navana vavo vakomana nehama dzavo vari shasha chaidzo dzinogona kuita basa radzo. Vose pamwechete vokwaObhedhiedhomu vaiva makumi matanhatu navaviri.

9Mesheremiya aiva navanakomana nehama dzake shasha chaidzo, vose vari gumi navasere.

10Hosa mumwe wavanakomana vokwaMerari aivawo navana vakomana vaiti:

Shimuri, mukuru wacho,

kunyange zvazvo akanga asiriye dangwe

baba vake ndivo vakamuita mukuru.

11Aitevedzerwa naHirikiya

wechitatu ndiTebheriya,

wechina ari Zekariya.

Vanakomana vaHosa nehama dzake

vose vaiva gumi navatatu.

12Zvikwata izvi zvavachengetedzi vepamisuo mikuru zvichifambiranawo navakuru vakuru vazvo vaivawo namabasa sezvaingoitawo hama dzavo rokushanda mumba yaTenzi.

13Suo guru roga roga raipiwa vanhu varo vaigovaniswa nechin'ange zvimwechetezvo imba nemba mukuru nomudiki.

14Rokumabvazuva kwacho chin'ange chakaenda kuna Sheremiya. Vakaitirawo mwanakomana wake Zekariya muchinda ane ungwaru chin'ange chikaratidza kuti ndowekuchamhembe.

15Chin'ange chakaratidza kuti Obhedhiedhomu ndowekumaodzanyemba chikapa vanakomana vake basa rokudzimba dzaichengeterwa zvinhu.

16Kuna Shupimu naHosa chakaratidza kuti ndowekumadokero pasuo guru reShareketi pamugwagwa unokwira uya, vaiita mazoro kupachengetedza.

17Kumabvazuva kwainge kuna vaRevhi vatanhatu pazuva

kuchamhembe, vana pazuva,

kumaodzanyemba, vana pazuva

vaviri vaviri padzimba dzokuchengetera zvinhu,

18panzvimbo yemo yainzi Paribhari kumadokero vari vana pamugwagwa,

kwouya vaviri paParibhari.

19Izvozvi izvi ndizvo zvikwata zvavachengetedzi vokumisuo mikuru wokwaKora navanakomana vokwaMerari.

Mamwe mabasa epamba yaMwari

20PavaRevhi, Ahiya aiva nebasa rokuona nezvedzimba dzaichengeterwa upfumi hwemba yaMwari nomaichengeterwa zvipo zvainge zvateketerwa kuna Mwari.

21Kune vanakomana vokwaRadhani, vana vokwaGerishoni vakaberekwa naRadhani vaiva vatungamiriri vokumba yokwaRadhani wokwaGerishoni iyeyu ndewekwaJehieri.

22Vanakomana vaJehieri ndiZetamu muJoeri munun'una wake, vaiva nebasa rokuona nezvedzimba dzaichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi.

23Kune vokwaAmuramu vaiti vokwaIzhari nevokwaHebhuroni nevokwaUzieri:

24Akasarudzwa kuva changamire mukuru wokuona nezvemaichengeterwa upfumi ndiShebhueri mwanakomana wokwaGerishomu mwana waMosesi.

25Hama dzake vokwaEriezeru vakanga vakamira vakadai izvi:

mwanakomana waEriezeru ndiJeshaya

waJeshaya ndiJoramu

waJoramu ari Zikiri

waZikiri ariwo Sheromoti.

26Sheromoti uyu nehama dzake vaiva vokuona nezvemaichengeterwa zvipo zvainge zvakateketererwa kuna Mwari. Zvakanga zvateketererwa kuna Mwari namambo Dhavhidhi navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo navatungamiriri vezviuru nevemazana navatungamiriri vehondo.

27Vakatora zvimwe zvinhu pane zvakanga zvapambwa kuhondo vakazvipa sechipo chokuchengetedza nacho imba yaTenzi.

28Maivawo nezvakanga zvateketerwa kuna Mwari naSamueri muoni naSauro mwana waKishi naAbhuneru mwana waNeru, naJoabhu mwana wavaZeruya nezvose zvakanga zvateketerwa kuna Mwari zvaive mumaoko aSheromoti nehama dzake.

Mabasa avamwe vaRevhi

29Kune vokwaIzhari Kenaniya nevana vake

vakomana akapiwa basa

rokunze savanyori navatongi.

30Kune vokwaHebhuroni, Hashabhiya

nehama dzake chiuru nemazana

manomwe vari vanhu vanoushasha pakuita

zvinhu ndivo vaiva vatariri

veIsiraeri kumadokero kwaJorodhani mune

zvose zvainangana nebasa

raMwari nezvainangana nebasa ramambo.

31Pane vokwaHebhuroni, Jeriya ndiye waiva changamire wavo pazvizvarwa zvavo zvose mumba yekwavo. Mugore rechimakumi mana rokutonga kwaDhavhidhi kwakatsvangwa kukaonekwa mvumba dzemagamba okurwa hondo kuvanhu vokuJazeru kuGireadhi.

32Mambo Dhavhidhi akasarudza iyeyu nehama dzake vari zviuru zviviri zvine mazana manomwe zvavarume shasha chaidzo dzebasa vari vatungamiriri vokumhuri dzokwavo kuti vave vokutungamirira vekwaRubheni, nevekwaGadhi nevechimwe chikamu chedzinza rokwaManase mune zvose zvainangana nezvaMwari nezvainanganawo nenyaya dzokwaMambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help