Dhanieri Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mubhuku rino Bhuku raDhanieri rakapiwa zita romunhu anonyanya kutaurwa nezvake mubhuku irori anonzi Dhanieri, zita rinoreva kuti, “Mwari ndiye mutongi wangu.” Bhuku iri rinogona kuiswa muzvikamu zvikuru zviviri. Chidimbu chokutanga chinotaura nezvaDhanieri neshamwari dzake vari kuBhabhironi kwavakaendeswa kuutapwa (1–6). Chechipiri chacho chinotaura nezvezviratidzo zvakaoneswa Dhanieri zvakanangana namadzimambo aizouya achitonga panyika uye achitonga kana kutambudza vaIsiraeri (7–12). Nyaya dzose dzinotaurwa muna Dhanieri, muchidimbu chokutanga nechechipiri uyewo zvinoreva zita raDhanieri zvinodzidzisa kuti vanamati vaMwari vanofanira kuramba vakati kwatikwati naMwari sei ivo vari pasi pavatongi vechirudzi vasinei naMwari.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raDhanieriDhanieri neshamwari dzake kuBhabhironi (1:1—6:28)Zvakaratidzwa Dhanieri (7:1—12:13)a) Zvikara zvina (7:1–28)b) Hondohwe nechikotora (8:1–27)c) Masvondo manomwe (9:1–27)d) Mutumwa wokudenga (10:1—11:45)e) Nguva yokugumisira (12:1–13)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help