Nziyo 112 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rufaro rwomunhu wakanaka

1Areruya.

Akakomborerwa zvake

munhu anotya TENZI,

anofarira mitemo yake zvikuru.

2Zvizukuru zvake zvichava zvakasimba panyika

zvizvarwa zvakarurama

zvichakomborerwa.

3Musha wake uchazara noupfumi nepfuma

uye ururami hwake huchagara nokusingaperi.

4Chiedza chinovhenekera

mururami murima.

5Wakanaka zvake munhu anoita

mwoyochena uye anokweretesa

anoita zvinhu zvake noruenzaniso.

6Mururami haambozunguziki

acharangarirwa nokusingaperi.

7Haambotya marehwarehwa akaipa;

akasimba mwoyo, anovimba naTENZI.

8Akagadzana mwoyo, haambotya

kusvikira aona zvaanoda

zvichiitika kumhandu dzake.

9Ndimupanegombe chaiye anopa kuvarombo;

kururama kwake kunoramba kuripo nokusingaperi,

simba rake rinorumbidzwa nomukurumbira.

10Munhu wakaipa anozviona

agogumbuka nazvo;

anofinyamisa uso

obva anyangarika;

zvinodiwa nowakaipa

hazvina kwazvinosvika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help