Vatongi 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mutumwa waTenzi anosvika kuBhokimu

1Mutumwa waTenzi akabva kuGirigari akakwidza kuBhokimu. Akati, “Ndakakubvisai kuIjipiti ndikauya nemi kunyika yandakatsidzira kupa kune madzibaba enyu. Ndakati, ‘Handimbozofi ndakatyora chitenderano changu nemi.

2Imiwo regai kuita chitenderano navanhu vomunyika ino. Munofanira kupwanya atari dzavo.’ Asi imi hamuna kuteerera zvandakareva. Ko ndochii ichochi chamaita?

3Zvino ini ndinoti, ‘Handichafanokudzingirai vanhu ivava, asi vachava vavengi venyu uye vamwari vavo vari chinhu chakakuteyai.’ ”

4Mutumwa waTenzi akati apedza kutaurira vaIsiraeri vose, vanhu vakaridza mhere kuchema.

5Vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Kuchema, vakabva vapira Tenzi zvibayiro ipapo.

II: KUSUMA ZVIRI MUBHUKU IRI KWECHIPIRIMAMIRIRO AKANGA AKAITA ZVINHU MUNGUVA YAVATONGIRufu rwaJoshuwa

6Joshuwa paakati vaIsiraeri vachienda zvavo, vakati ava kwavo ava kwavo vachienda kunyika dzavo dzenhaka kundodzitora vachidziita dzavo.

7Vanhu ivava vakanamata Tenzi panguva yose yakanga Joshuwa achiri mupenyu, nenguva yose yavakuru vakuru vakasiyiwa naJoshuwa variko vakanga vaona basa guru rose rakaitirwa vaIsiraeri naTenzi.

8Joshuwa mwanakomana waNunu muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore ana makore gumi.

9Vakamuviga munyika yake yenhaka kuTimunatiheresi kunyika yaEfuraimu yamakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi.

10Chizvarwa ichocho chose chakapera kufa, kukazomukawo chimwe chizvarwa mushure mavo chakanga chisingamboziva Tenzi kana basa raakanga aitira vaIsiraeri.

Kurega kunamata Tenzi kwaimboitwa navaIsiraeri

11VaIsiraeri vaiita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Vainamata vanaBhaari.

12Vaizvicheka ukama naTenzi Mwari wamadzibaba avo akavaburitsa kunyika yeIjipiti, voteveredzana zvavo navamwe vamwari vavanhu vakanga vari munharaunda yavo vachivapfugamira, vachivirutsa hasha dzaTenzi.

13Vakachekana ukama naTenzi vonamata vanaBhaari naAshitaroti.

14Saka hasha dzaTenzi dzaivirukira vaIsiraeri ovaisa mumaoko avapambi, vachivapamba, achivati kuche mumaoko avavengi vavo vomunharaunda yavo yose. Havaizogona kana kumirisana navavengi vavo.

15Nguva dzose dzavaiti vondorwa, Tenzi aitenge orwisana navo kuti zvivaipire, sokuyambira kwakanga kwaita Tenzi nokuvatsidzira kwaakanga aita. Zvose izvozvo zvaivatambudza kwazvo mumwoyo.

16Tenzi aizovamutsira vatongi vaivanunura mumaoko avanhu ivavo vaivapamba.

17Kunyange zvakadaro vakange vasingateereri vatongi vavo ivavo nokuti vairamba vachingoita unzenza hwokuteveredzana navamwe vamwari vachivapfugamira. Vakanga vasingatani kutsauka nzira yaifambwa namadzibaba avo vaiteerera mitemo yaTenzi. Ivo havana kuita izvozvo.

18Tenzi aiti kana avamutsira mutongi, aibva ava nomutongi iyeyo ovaponesa mumaoko avavengi vavo upenyu hwose hwomutongi iyeyo nokuti Tenzi ainzwa tsitsi nokugunguzika kwavo pamusana pavanhu ivavo vaivabata zvisina kunaka.

19Asi painge mutongi iyeyo afa, vaipinduka votoita zvinhu zvakaipa kwazvo kupinda zvamadzibaba avo, votevera vamwe vamwari vachivanamata vachivapfugamira. Vaizongoramba vangoti dzvemere namabasa avo iwayo vasisasiyane nomusikanzwa wavo.

Chikonzero chakaita kuti vamwe vechirudzi varambe vari munyika yavaKanani

20Naizvozvo Tenzi aizovirukira vaIsiraeri nehasha. Aizotiwo, “Vanhu ava zvavatyora chitenderano changu chandakatemera madzibaba avo vachirega kuteerera zvandinoreva,

21neniwo kubvira zvino handichafanovadzingira marudzi api zvawo akasiyiwa arimo naJoshuwa, paakafa.

22Navo ndichaedza vaIsiraeri kuti ndione kuti vachachengeta here gwara raTenzi raifamba madzibaba avo kana kuti kwete.”

23Saizvozvo Tenzi akarega marudzi iwayo arimo, haana kubva akurumidza kuvadzinga vose pamwechete, haanawo kuvaisa mumaoko aJoshuwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help