Rwiyo 6 - Shona Common Language Bible(SCLB)

SHAMWARI

1Ko mudiwa wako aendepi,

nhai iwe nyakururamisisa pavakadzi vose,

mudiwa wako atsaukira kupi?

Kuti timutsvake

pamwechete newe.

MWENGA

2Mudiwa wangu aenda kubindu rake

kumihomba yetwokubikisa tunonhuwirira.

Kundofudzira hwai dzake mumapindu

uye kundotanha maruva amariri.

3Mudiwa wangu ndewangu

ini ndiri wake

anofudzira zvipfuwo zvake mumaruva amariri.

RWIYO RWECHISHANUCHIKOMBA

4Mudiwa wangu

wakarurama seguta reTiriza

uye unoyevedza seJerusaremu,

achityisawo sehondo ine mireza.

5Bvisa maziso ako kwandiri,

anondidzimaidza kuona,

iro vhudzi rako,

ungati idanga rembudzi

dziri kuita murikitira

pamateru eGireadhi.

6Iwo mazino ako

ungati idanga zvaro rehwai hadzi

rabuda madzinoshambidzwa

dzose dzine mapatya

pasina kana yakasvodza.

7Matama ako,

ungati muchero wamapomegiraniti

akachekwa napakati

muvhoiri mako imomo.

8Kungave zvako namakumi matanhatu

emadzimambokadzi kana

makumi masere avarongo

uye vashandikadzi vasingaverengeki.

9Asi njiva yangu,

nyakururamisisa mumwechete

mwana wapamwoyo waamai vake

anodiwa zvikuru nomubereki wake.

Vashandikadzi vakamuona

vakamuti, “Zvako wakakomborerwa,”

kunyange madzimambokadzi

navarongo vakamuona vakamurumbidza.

10Vakati,

“Ndiani uyu akaita samambakwedza

akarurama somwedzi,

anopenya kunge zuva,

anotyisa sehondo ine mireza.”

11Ndaenda kumunda wenzungu

kundoona maruva omubani,

kundoona kuti migirepisi yatunga here

uye kuti mipomegiraniti yava namaruva here.

SHAMWARI

12Handina kutomboziva

kuti musikana wangu akanga

atondiita jinda

pakati pavanhu.SHAMWARI

13Dzoka, dzoka iwe muShurami,

dzoka dzoka tikuyeve.

Munodirei kuyeva musikana wokuShurami

achitamba pakati

pomutsetse wavanotamba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help