Nziyo 149 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rumbo rwokuimba kana vanhu vakunda

1Areruya.

Imbirai TENZI rumbo rutsva

murumbidzei mugungano ravakarurama.

2Isiraeri ngaifare noMusiki wayo;

vana veZioni ngavafare naMambo wavo.

3Ngavarumbidze zita rake vachitamba,

vachiridza tambureni nezvipendani

4nokuti TENZI anofadzwa navanhu vake

anokudza varombo

nokuita kuti vakunde.

5Vakarurama ngavapembere kukurira.

Ngavaimbe norufaro vari mumasofa avo.

6Ngavapururudze namagure pahuro

vaine mapakatwa omucheka kose mumaoko.

7Kutsividza vechirudzi

uye kuranga marudzi

8vachisunga madzimambo avo nengetani

namachinda avo namakechemu esimbi

9kuti vavape chirango chakanyorwa.

Iyi ndiyo mbiri yavakarurama vake vose.

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help