1 Nhoroondo 4 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvizvarwa zvokwaJudha

1Vanakomana vaJudha:

ndiPerezi naHezironi naKarumi naHuru

naShobhabhu.

2Reaya mwanakomana waShobharu:

akabereka Jahati baba

waAhumai naRahadhi. Ivava ndidzo

mhuri dzokwaZora.

Huru

3Vana vakomana vaEtamu:

ndaava vanoti; Jezirieri naIshima naIdhibhashi.

Zita rehanzvadzi yavo ndiHazireriponi.

4Penueri ndiye baba waGedhori,

Ezeru ariye baba waHusha.

Ivava ava ndizvo zvizvarwa zvokwaHuru

dangwe raEfurata

baba waBheterehemu.

Ashuri

5Ashuru baba waTekoa:

vaiva nebarika ravakadzi

vaviri, mumwe ainzi Hera mumwe achinzi Naara.

6Naara akamuberekera:

Ahuzamu naHefa naTemeni naHaahashitari.

Ivava ndivo vaiva vana vaNaara.

7Vanakomana vaHera:

ndiZereti naIzihari naEtinanai.

8Kozi ndiye baba

vaAnubhu naZobhebha nemhuri

dzokwaAhariheri mwanakomana waHarumu.

9Jabhezi uyu aiva munhu anoremekedzwa kwazvo navakoma navanun'una vake. Amai vake vakamutumidza zita rokuti Jabhezi vachiti pakumubereka ndakaona nhamo.

10Jabhezi akanamata Mwari weIsiraeri achiti:

“Dai mandikomborerawo zvenyu

nyika yangu muikudze-kudzewo

ruoko rwenyu rurambe ruchindisesedza,

mundidzivirirewo kune zvakaipa

kuti zvirege kundikuvadza.”

Mwari akamuitira zvaakakumbira.

Karebhu

11Kerubhu mukoma nomunun'una

naShuha ndiye akabereka Mehiri

baba waEshitoni.

12Eshitoni ndiye baba

waBhetirafa naPasea naTehina uya baba

waIrinahashi. Ivava ava ndivo vanhu vokuReka.

13Vanakomana vaKenazi:

ndiOtinieri naSeraya.

Vana vaOtinieri

vakomana ndiHatati

14kwouya Meonotai baba

waOfura.

Seraya ndiye abereka Joabhu

baba wevokwaGeharashimu

vainzarwo nokuti vaiva mhizha.

15Vanakomana vaKerebhu mwanakomana waJefune:

ndiIru naEra naNaamu.

Vanawo vaEra vakomana ndiKenazi.

16Vana vakomana vaJeharerieri:

ndiZifu naZifa naTiria naAsareri.

17Vanakomana vaEzira:

ndiJeteru naMeredhi naEferu naJaroni.

Ivava ndivo vanakomana vaBhitia

mukunda waFarao akaroorwa naMeredhi.

Akavawo napamuviri akabereka

Miriamu naShamai naIshibha baba

waEshitemoa.

18Mudzimai wake wechiJudha,

akamuberekera Jeredhi baba waGedhori

kwouya Hebheru baba waSoko

kwouyawo Jekutieri baba waZanoa.

19Vanakomana vaHodhiya

nomudzimai wake uya

hanzvadzi yaNahamu

ndivo madzibaba aKeira wokuGarima

naEshitemoa wokwaMaaka.

20Vana vakomana vaShimoni

ndiAmunoni naRina naBhenihanani

naTironi. Vanawo vaIshi vakomana

ndiZoheti naBhenizoheti.

Zvizvarwa zvokwaShera

21Vanakomana vaShera, mwanakomana waJudha:

ndevava ava kunoti

Eru baba waReka, kwouya Raadha baba waMaresha,

kwouyawo mhuri dziya

dzemba yevagadziri vemicheka

yerineni vokuBhetiashibhea

22kwozouya Jokimu navanhu vokwaKozebha

naJoashi naSarafu akandoita

mukuwasha wevaMoabhu akazodzokera kuRakemu

(Nyaya dzachowo idzi

ndedzakarekare kwazvo).

23Ivava ava ndivo vaumbi vehari

nevagari vokuNetaimu neGedhera.

Vaigarako pamwechete namambo

vari vokumushandira.

Zvizvarwa zvokwaSimeoni

24Vanakomana vaSimeoni:

ndiNemueri naJamini naJaribhu naZera

naShauru.

25Mwanakomana waShauru ndiSharumu,

waSharumu ndiMibhishamu,

waMibhishamu ndiMishima.

26Vanakomana vaMishima ndiHamueri,

waHamueri ndiZakuri,

waZakuri ndiShimei.

27Shimei akanga ana vanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu. Asi vakoma navanun'una vake vakanga vasina vana vakawanda kunyangova mhuri yake yose haina kuwanda sevana vokwaJudha.

28Vaigara kuBheerishebha nokuMoradha nokuHazarishuaru

29nokuBhiriha nokuEzemu nokuTorati

30nokuBhetieri nokuHoruma nokuZikiragi

31nokuBhetimarikabhoti nokuHazarisuzimu nokuBhetibhiri nokuShaaraimu. Iwayo ndiwo aiva maguta avo kusvikira kutonga kwaDhavhidhi.

32Misha yavo yaiva iyi inoti Etamu neAini neRimoni neTokeni neAshani ari maguta, mashanu kudaro

33nemisha yakanga yakapoteredza maguta iwayo kusvikira kuBhaari, imomo ndomavaigara. Mamiriro akaita mhuri dzavo ndeaya aya:

34kuna Meshobha naJamureki naJosha

mwanakomana waAmaziya

35kwouya Joeri naJehu.

Mwanakomana waJehu ndiJoshibhiya,

waJoshibhiya ndiSeraya

waSerayawo ndiAsieri

36kwozouya Erioenai naJoakobha naJeshohaya

naAsaya naAdhieri naJesimeri naBhenaya

37kwoti Ziza aberekwa naShifi

mwanakomana waAroni aberekwa

naJedhaya mwanakomana waShimiri

aberekwa naShemaya.

38Ivava ava vadai kudomwa namazita vaiva madzishe mudzimhuri dzavo mudzimba dzamadzibaba avo mukawandwawo chaizvo.

39Vakatamira kwokunge tava kuda kundosvika kuGedhori kumabvazuva kwebani kundotsvaka mafuro ezvipfuwo zvavo.

40Ikoko vakawana mafuro chaiwo akanaka kwazvo, nyika iri huru ichisvika zvayo uko nokokoko kwakati zi-i kuine runyararo pamusana pokuti ndokwainge kugere vokwaHamu.

41Ivava vakadai kunyorwa namazita, vakasvikako mumazuva aHezekiya mambo wokwaJudha vakaparadza misha yavo pamwechete nevaMenuimu vainge varikowo. Vakavatsakatisa sezvazviri pari nhasi, panzvimbo pavo ivo vakabva vaita misha yavo nokuti kwaiva namafuro ezvipfuwo zvavo.

42Mazana mashanu evamwe varume vokwaSimeoni vakaenda kuGomo reSeiri vachitungamirirwa naPeratiya naNeariya naRefaya naUzieri vanakomana vaIshi.

43Vakaparadza marimbirimbi evokwaAmareki vakanga vapunyuka. Zvino vagere ikoko nanhasi uno.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help