2 Nhoroondo 4 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Midziyo yeTemberi(1 Madzi 7:23–51)

1Soromoni akaitawo atari yendarira yaiva mamita mapfumbamwe kureba, upamhi hwayo huchiitawo mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga yakareba mamita mana ana masendimita makumi mashanu.

2Akazogadzira zibhavhu ziguru-guru kwazvo rakanga rino utare hwakaita zvokunyungurutswa. Udzame hwaro hwaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana namasendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi namatatu namasendimita makumi maviri.

3Pasi paro nechokunzekunze pakanga pakaitwa zvinenge mapudzi, zviri makumi maviri pamita yoga yoga. Zvainge mapudzi izvi, zvakanga zvakaita zvokuumbirwa pazibhavhu iri pamwechete naro parakagadzirwa zviri mumitsara miviri.

4Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero, dzimwewo dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusoro padzo.

5Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza, mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavhu iri raipinda madhiramu aikarosvika mazana matatu namakumi mashanu.

6Akagadzirawo mabhavhu gumi okushambira, akandoisa mashanu acho kumaodzanyemba, mamwe acho mashanu kuchamhembe. Maari iwaya ndimo mavaisukira zvainge zvashandiswa pamupiro wokupisa, muzibhavhu ziguru guru ndimo maishambira vapristi.

7Akagadzirawo gumi rezvigadzikiro zvemwenje zvendarama sokuudzwa kwaakaitwa, akazviisa muTemberi achiti zvishanu kumaodzanyemba, zvishanu kuchamhembe.

8Akagadzirawo matebhuru gumi akaaisa muTemberi achiti mashanu kumaodzanyemba mamwe mashanu kuchamhembe. Akagadzira mbhenge dzendarama zana.

9Akagadzira nhandare yavapristi nenhandarewo huru namagonhi munhandaremo akanamirira magonhi acho ndarira.

10Akaisawo zibhavhu ziguruguru riya kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo.

11Huramu akagadzirawo mapoto namafoshoro nembhenge. Saizvozvo Huramu akapedza basa raaiitira mambo Soromoni repamba yaMwari.

12Akagadzira misimboti miviri

nezvinhu zvaiva

zvakafutumara zvaiva zvepamisoro

yemisimboti iyi kwouya

mambure maviri okushongedza pazvinhu

zvaiva pamisoro yemisimboti;

13uye zvainge michero yamapomegiraneti mazana mana,

zvokuisa pamambure iwayo ari maviri,

mumbure woga woga uine

mitsara miviri yezvinenge mapomegiraneti

zvokushongedza pazvinhu zviya

zviviri zvakafutumara zvapamisoro yemisimboti.

14Akagadzirawo ngoro namabhavhu,

pangoro idzodzo,

15kwouya zibhavhu ziguru riya

nehandira gumi dzaiva pasi paro.

16Mapoto namafoshoro namaforogo

nemidziyo yose iyi yomumba yaTenzi

yakagadzirirwa mambo Soromoni naHuramabhi,

yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa.

17Mambo akaforomera izvozvi mubani romuna Jorodhani panzvimbo yomunyakwe iri pakati peSukoti neZeredha.

18Soromoni akagadzira mirwi nemirwi yezvinhu izvozvo zvokuti hapana akazokwanisa kuwana kuti ndarira yacho yairema zvakadii.

19Soromoni akagadzira zvinhu zvose zvaiva mumba yaMwari zvaiti:

atari yendarama

netebhuru dzechingwa chokuisa pana Mwari,

20kwouya zvigadzikiro zvemwenje

namarambi azvo endarama

chaiyo yakanakisisa okuvheneka

pamberi penzvimbo inoera

yomukatikati macho sezvakanga zvarehwa,

21kwouyawo maruva namarambi nembato

dzendarama chaiyo yakanakisisa,

22kwozoti zvigero nembhenge

namabisiro orusenzi namakoni emba yacho,

pachiti makonhi omukati okupinda

munzvimbo inoeresesa

namagonhi emba yacho chaiyo yeTemberi,

zvaiva zvendarama.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help