1 Johani 1 - Shona Common Language Bible(SCLB)

MAZWI OKUSUMAJesu ndiye Izwi rakava munhu

1Iye uya aivapo kubvira pakutanga,

uya watakanzwa tikatoonawo namaziso edu,

iyeyo watakatarisa, tikamubatawo namaoko edu,

ndiyeyo anonzi Izwi, muridzi woupenyu.

2Upenyu ihwohwo hwakaratidzwa pachena

tikahuona uye tinohupupurira

tichiparidzawo kwamuri.

Upenyu ihwohwo husingaperi hwaiva naBaba

hwakaratidzwa kwatiri.

3Watakaona tikanzwa uya,

ndiyeyo watiri kukuparidzai

kuti imi muve

noukama hwakanaka nesu.

Ukama hwatinahwo isu hukama

naBaba naMwanakomana wake, Jesu Kristu.

4Tiri kunyora izvi kuti

rufaro rwedu rwuzare.I: ZVINOFANIRA KUITWA NOMUNHU KUTI AFAMBE MUCHIEDZA CHAMWARIMwari chiedza

5Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari

ratinokuparidzaiwo rokuti, Mwari chiedza

uye kuti maari hamuna kana rima zvaro.

6Kana tikati tino ukama hwakanaka naye

isu tichifamba murima

tinoreva nhema uye tisingatevedzi chokwadi.

7Asi tikafamba muchiedza

saiye ari muchiedza,

tine ukama hwakanaka pakati pedu

uye ropa raJesu Mwanakomana wake

rinotisuka kuzvitadzo zvose.

I Unofanira kusiyana nechitadzo

8Kana tikati hatisi vatadzi

tinozvinyengedza uye chokwadi hachisi matiri.

9Tikareurura zvitadzo zvedu

iye anotendeka uye akarurama,

anotiregerera zvitadzo zvedu

achitichenesa kuunyangadzi hwose.

10Kana tikati hatitadziri Mwari

tinomuita munyepi

uye izwi rake harisi matiri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help