Isaya 24 - Shona Common Language Bible(SCLB)

D: ZVAKAZARURWAKurangwa kuchaitwa pasi pose naMwari

1Chinzwai,

Tenzi achaparadza pasi pose

Achipaita renje

achawondonga nyika

achimwararanisa vageremo.

2Munhu wose achaitirwa zvimwechetezvo,

vangave vanhu zvavo kana mupristi,

angave muranda kana tenzi wake,

angavewo musikana webasa

kana amai vaanoshandira

angave mutengi kana mutengesi,

angave mukweretesi kana mukwereti,

angave mudzoreri kana mudzorerwi.

3Pasi pose pachanyatsoparadzwa

zvokunyatsoitwa dongo chairo

nokuti Tenzi wazvitaura.

4Pasi pose pari kuchema, pauna,

nyika iri kuperezeka nokusvava,

matenga ari kuperezekawo

pamwechete napasi pose.

5Pasi pose paipiswa

navagari vemo

nokuti vakadarika mitemo

vakaramba mirao

vakatyora chitenderano chokugara nokugara.

6Naizvozvo rushambwa rwaparadza pasi pose

vagari vemo vanotambudzikira mhosva dzavo.

Ndokusaka vagari vepasi pose vakatsva

kwasara vanhu vashoma.

7Waini inochema

migirepisi inosvava

vose vamafaro vaya

vari kutowuwura.

8Rufaro rwokuridza ngoma rwamiswa,

ruzha rwevamafaro rwapera,

rufaro rwokuridza zvipendhani rwamiswa.

9Zvokunwa waini vachiimba zvachiti nho-o,

hwahwa, kune avo vanohunwa,

hwava kuvava.

10Guta remhirizhonga

rachiti pasi mbombombo,

dzimba dzose dzachinzi

gwibha gwibha kuzarira,

zvokuti hapana anogona kupinda.

11Rave jemedzanwa mumigwagwa,

pamusana pokushaya waini

mafaro ose asvika kumapeto kwawo,

rufaro rwapanyika rwarambidzwa.

12Muguta chasara hapasisina,

misuo mikuru yabvungunjurwa

kusara asakara.

13Izvozvo ndozvazvichaita

mukati menyika,

pakati pamarudzi avanhu

sezvinongoita muti womuorivhi

kana wagumwa,

sepanguva yokufuhwa magirepisi

nguva yokusvina waini yapera.

14Vanodaidzira vachiimba norufaro

vanodaidzira

nezvoukuru hwaTenzi kumadokero.

15Naizvozvo vokumabvazuva,

rumbidzai Tenzi,

vokunyika dzokumahombekombe kwegungwa,

rumbidzai zita raTenzi,

Mwari weIsiraeri.

16Kubva kwakaperera nyika

tinonzwa nziyo dzokurumbidza,

mbiri yaiye Mururami.

Asi ndati,

“Ndapera ini,

ndapera simba!

Nhamo yangu iyi,

nokuti vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi,

vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi chaizvo.”

17Imi vagari vapanyika

kutya nehunza

nomusungo zvavanemi.

18Anotiza maungira anotyisa

achawira muhunza,

anenge ati

regai ndibude muhunza imomo

anobva anzi kachi nomusungo

nokuti mawindho edenga akazaruka

nougaro hwenyika huri kundengendeka.

19Pasi pose panyatsomeduka-meduka,

pasi pose patsemuka,

pasi pose pazunzwa zvakaipisisa kwazvo.

20Nyika iri kudzedzereka sechidhakwa,

iri kuzvebuka semba.

Kukanganisa kwayo kuri kuiremera,

iri kutoputsika,

haichazombomukazve.

21Pazuva iroro

Tenzi acharanga hondo dzomudenga,

mudenga imomo

madzimambo apasi ipo pasi pano

22vachaunganidzwa pamwechete

savasungwa vari muhunza,

vachapfigirwa mujeri

mushure memazuva mazhinji vanozorangwa.

23Ipapo mwedzi uchaora

zuva rigodzima

nokuti Tenzi wehondo nehondo

achatonga paGomo reZioni muJerusaremu

acharatidza mbiri yake kuvakuru vakuru vake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help