Jeremiya 6 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Nhamo yeJerusaremu yokukomberenwa navavengi

1Tizai muJerusaremu munohwanda

imi vanhu vokwaBhenjamini,

ridzai hwamanda muTekoa,

uye simudzai mumise chiratidzo paBhetihakeremu,

nokuti heyo nhamo youya

ichibva kuchamhembe, kuparadza kukuru chaizvo.

2Guta reJerusaremu, mukunda weZiyoni

kunyange rakanaka zvaro kudaro ndichariparadza.

3Vafudzi namatanga ezvipfuwo zvavo,

vachadzika misasa yavo yematendhe vakarikomberana

mumwe nomumwe achifudzira zvake pachindima chake.

4“Gadzirirai hondo tivarwise,

simukai tivarwise zuva richirova nhongonya.”

“Inga tapinda nhamoka isu

zuva rava kuvira kudai

mimvuri yokudoka kwokunze yava kureba.

5Simukai tirwise nousiku

tiparadze mizinda yaro.”

6Nokuti zvanzi naTenzi

Tenzi wehondo nehondo,

“Temerai pasi miti yaro

muvake nevhu chinenge musana wenzou

kurusvingo rweJerusaremu.

Guta irori iri,

iguta rinofanira kurangwa,

udzvinyiriri ndohuzeremo chete.

7“Sezvinoita tsime kunyatsochengetedza

mvura yaro yakanaka,

ndizvo zviri kuita guta irori

kunyatsochengetedza uipi hwaro.

Utsinye nokuparadza ndizvo zvinonzwika mariri

urwere namaronda

zviri kugara zviri pameso pangu.

8Iwe Jerusaremu uchinzwawo!

Ndingadaro ndikachekana ukama newe

ndinokusiya wangova nzvimbo chete,

nyika isina ageremo.”

VokwaIsiraeri imhandupandu dzavanhu

9Zvanzi naTenzi

Mwari wehondo nehondo:

“Vachanyatsoita sokufuhwa mugirepisi

vachifuhwa chitsama chavakasara cheIsiraeri,

somutanhi wamagirepisi

dzokererazve kupinza ruoko rwako mumapazi awo.”

10“Ndiani chaizvo wandingataurire

ndichiyambira kuti vanzwe?

Hezvi nzeve dzavo dzakadzivira, havanzwi.

Zvamunoona, kwavari ivo,

shoko raTenzi rangova chinhu chinoshoreka,

havachamborifarirai

11Ndokusaka ndakapaka kuzara nehasha dzaTenzi,

ndaneta nadzo kudzinyaradza.

Dzidururire pavana vari mumugwagwa

napamapoka amajayawo.

Vose zvavo murume nomukadzi

vachatapwa, vezera ravakura

navakwegura chaivo.”

12“Misha yavo ichava yavamwe

pamwechete neminda yavo namadzimai avo

nokuti ini noruoko rwangu ndichasumudza

shamhu yokuranga vagari venyika ino,

ndizvo zviri kutaura Tenzi,

13nokuti kubvira kumudiki

kusvikira kumukuru wacho chaiye,

munhu wose ano makaro

okuwana zvinhu nenzira isina kururama,

kubvira kumuporofita kusvikira kumupristi

munhu wose ari kungoita zvounyengedzi.

14Kurapa ronda ravanhu vangu,

vanorapa zvavo asi zvechipa meso

vachiti, ‘Rugare, rugare,’

ipo pasina rugare rwacho.

15Havaifanira kunyara here

pavakaita zvakaipa zvisingadiwi naMwari?

Kwete havana kana kumbonyara ava.

Havazivi kuti kunonyarwa sei.

Naizvozvo vachafawo panofira vamwe,

panguva yandichavaranga

ndipo pavachakundwa,

ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

VokwaIsiraeri vanoramba nzira yaMwari

16Zvanzi naTenzi,

“Mirai pamhararano munyatsotarisa,

mubvunzisise nezvenzira dzakare

kuti gwara rakanaka nderipi mufambe naro

muzviwanire zororo.”

Asi ivo vakatoti,

“Hatidi kufamba mariri.”

17Ndakaisa vatariri vokukutarirai,

ndichiti, “Teererai kurira kwehwamanda.”

Asi vanoti,

“Hatimboda kana kuzvinzwa izvozvo.”

18“Saka zvino chinzwai munzwe

imi ndudzi dzavanhu, imi gungano ravanhu

muzive zvinhu zvichavawira.

19Iwe nyika, teerera unzwe!

Tarisa uone, nhamo dzandava

kuuyisa pavanhu ava

zvibereko zvetwavanoita,

nokuti vakarega kuteerera shoko rangu.

Mutemo wangu vakauramba.

20Chandinouyisirwa rusenzi

runobva kuShebha chii,

kana idzo nzimbe dzinotapira dzokunyika yokure?

Mipiro yenyu yokupisa haigamuchiriki,

zvibayirowo zvenyu hazvindifadzi.

21Ndokusaka zvanzi naTenzi,

chinzwa, ndava kuisira vanhu ava

zvinhu zvokuvagumbura zvichavagumbura,

madzibabawo pamwechete navakomana, vachaparara

muvakidzani neshamwari vachaparara.”

Kupindirwa munyika nehondo yokuchamhembe

22Zvanzi naTenzi,

“Chinzwa, kune vanhu vari kuuya

vachibva kunyika yokuchamhembe,

rudzi rukuru rwavanhu rwuri kuzhandanuka

ruchibva kure kwakaperera nyika chaiko.

23Vakapakata uta namapfumo,

vanoutsinye uye havana tsitsi.

Ruzha rwavo runenge ruzha rwegungwa,

vanotasva mabhiza

akarongana savanhu vari kundorwa hondo

kuzorwisa iwe Jerusaremu, mukunda weZioni!”

24“Takanzwa runyerekupe rwazvo,

maoko edu akabva arengenduka,

takarwadziwa isu namarwadzo anenge omukadzi

ari kusununguka.

25Regai kupinda mumunda

kana kufamba pamugwagwa nokuti muvengi ane bakatwa,

zvinotyisa zvapoteredza.”

26“Iwe mukunda wavanhu vangu, Jerusaremu

pfeka masaga uwumburuke mudota

uchichema sokuchema mwana mukomana

mumwechete oga, kuchema kunosiririsa kwazvo,

nokuti nenguva isipi, muparadzi achatiwira.

27Ndakakuita kuti uve muongorori

nomuonorori mukati mavanhu vangu

kuti uzive uye uongorore nzira dzavo.

28Vose zvavo inhunzvatunzva dzakapanduka,

vanofambidzana navanamuzvinaguhwa.

Vangova sendarira nesimbi;

vose zvavo vano kuita kwakaora.

29Mvuto dziri kufutidza zvinotyisa,

mutobvu wonyungurutswa nomoto

zvokuuchenesa pasina,

nokuti vatadzi havana kubviswa.

30Vachanzi, marara zvawo esirivha

nokuti Tenzi akavaramba.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help