Habhakuku 1 - Shona Common Language Bible(SCLB)

I: KUTAURIRANA KWOMUPOROFITA HABHAKUKU NAMWARI WAKE

1Chirevo chaMwari chakaonekwa nomuporofita Habhakuku.

Kunyunyutira Mwari kwaHabhakuku nezvoruenzaniso

2Nhai TENZI,

kusvikira rinhi chaizvo

ndichingochemera rubatsiro,

imi musingateereri?

Kana kuchema kwamuri kuti,

“Ko utsinyeka uhu!”

Asi imi musinganunuri?

3Chamunondionesera zvakaipa chii

imi kusarurama muchikuona zvenyu?

Kuparadza noutsinye zvatarisana neni,

gakava nokunetsana zvinomuka.

4Saka mutemo waita zinyekenyeke

uye hapasisina ruenzaniso runoitwa

nokuti vakaipa vanokomberana varurami

saka ruenzaniso rwava kuminamiswa.

Mhinduro yaTENZI

5“Zvino chitarisai muone mukati memarudzi

zvichatokushamisai zvigokukatyamadzai

nokuti ndiri kuita basa

mumazuva enyu

rokuti kana mukarinzwa hamumboribvumi.

6Nokuti chiripo ndechichi, kuti

ndiri kunyandutsa vaKaridhea,

rudzi rwakaipa mwoyo ruya,

rudzi rwavanhu akarikiriki

vanobvongodza nyika yose

kundopamba misha isiyavo.

7Vanotyisa uye vanodederesa.

Kutonga kwavo ndokwomusoro wavo.

Ukuru hwavo ndohwokuzvipa.

8“Mabhiza avo, kumhanya,

mbada dzinosara pasi

achityisa kupinda mhumhi dzinofamba usiku

varwi vavo vamabhiza

vanokakatika vachizvikudza.

Heeka, varwi vavo vamabhiza

vanobva kure

vachibhururuka segondo

risingatani kudya.

9“Chavanovinga vose zvavo kuzorwisa,

chavananga ndichocho, havadzokeri shure

vanounganidza nhapwa sejecha.

10Vanofifida kuseka madzimambo,

vatongi vanoita zvokutotamba navo.

Vanotoseka guta rese retsvingo

nokuti vanoriitira chimutundurundu chevhu

chinenge musana wenzou

vobva varitora zvavo.

11Vobvapo, heyo mhepo

kuenda mberi,

vanhu vane mhosva,

simba ravo vanoritora sokunge mwari wavo.”

Kunyunyutirazve TENZI kwaHabhakuku

12Inga wani ndimi Chidzachapo

nhai TENZI, Mwari wangu,

Anoera wangu.

Isu hatisi kuzofa

Inga imi TENZI

makavasarudzira kuti vaunze ruenzaniso

imi Dombo,

ndimi makaita kuti vasimbarare

kuti vave vokuranga.

13Maziso enyu akaruramisisisa

zvokuti hamufaniri kutarisa zvinhu zvakaipa.

Haakwanisi kutarisa kuita kwakatsauka.

Munodarirei kungotarisa zvenyu

vanhu vasina kutendeka

kana iko kunyarara kwenyu

muipi achimedza akarurama kupinda iye?

14Nokuti vanhu munovaita kuti vave

sehove dzegungwa,

sezvinhu zvinokambaira

zvisina mutongi.

15Anoraura nechirauro

ozvikukudza nomumbure wavo

anozviti unge unge mumambure avo

agopembera kwazvo kufara.

16Naizvozvo anobayira chibayiro

kumimbure yake,

opisira rusenzi kumambure ake

ndizvo zvinomupa kugarika

uye nezvokudya zvakawanda.

17Ko ivo vacharambokutura

mimbure yavo

vachingouraya zvisina tsitsi

marudzi avanhu nokusingaperi here?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help