Jobhu 40 - Shona Common Language Bible(SCLB)

1Mwari akaenderera mberi kupindura

Jobhu achiti,

2“Iye anoita gakava naSamasimba

acharegera here?

Iye anotsoropodza Mwari ngaapindure.”

3Jobhu akapindura Tenzi achiti:

Kuzvirereka kwaJobhu

4“Ndiri chiiwo zvangu,

chii chandingapindurewo?

Changu kungangova kungobata muromo wangu.

5Ndakataura kamwechete ikako ndikako,

handichapinduri. Ndakaita ruviri, handichaitazve.”

Mhinduro yaMwari yechipiri

6Ipapo Mwari akapindura Jobhu

mudutu remhepo achiti,

7“Chipfeka zvino uite somurume

ndikubvunze, iwe unditaurire.

8Wava kutoti ururami hwangu hauna

maturoka iwe?

Wavakutondipa mhosvaka iwe

kuti uzviti wakarurama?

9Ruoko rwako runesimba raMwari here?

Ungadzvove here sezvaanoita?

10Ko zvino chipfekaka chiremera chako noukuru,

chipfeka mbiri nokurumbidzwa kwako.

11Hasha dzako ngadziputike

utarise munhu wose anozvikudza umuninipise.

12Tarisa munhu wose anozvitutumadza umudukupise

utsokodzere vakaipa pavari ipapo.

13Vavige vose pamwechete muvhu

uvapombere uso muguva.

14Kana iniwo ndingatozobvuma

kuti nesimba roruoko rwako

rworudyi unogona kuzviponesa.

Mvuu

15“Tarisa uone mvuu

yandakasika sewe inofura sora semombe.

16Kusimba here ikoko kwayakaita muchiuno chayo!

Nairo simba renyama dzepadumbu payo.

17Muswe wayo unoomarara somusidhari.

Marunda ezvidya zvayo akanyatsorukana.

18Mapfupa ayo akaita sepombi dzendarira

mbabvu dzayo mibhadha zvayo yesimbi.

19Ndiyo yokutanga pazvisikwa zvaMwari,

Musiki wayo ndiye chete

anogona kuisvikira nebakatwa.

20Makomo anoipa zvibereko zvawo

munotamba mhuka dzose dzesango.

21Inorara pasi pomuti womunzwa

yakahwanda mujakata retsanga nomumajahwi.

22Muti womunzwa ndiwo unoipa mumvuri

yakatenderedzwa nomusambagwena.

23Kana rwizi rwuzere iyo haimbovhunduki.

Kunyange rwizi rweJorodhani

rukaisvika pamuromo, iyo haitirimuki.

24Munhu angaibate nechirauro

kana kuboora mhuno dzayo nechokuteesa?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help