Ezira Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zviri mubhuku rino Bhuku raEzira ndiro bhuku rinotevedzana nebhuku reNhoroondo. Rinotaura nezvokudzoka kwakaita vaIsiraeri vachibva kunyika youtapwa vachienda kuJerusaremu, kunyika kwavo. Vamwe vavo vakadzoka vachibva kuBhabhironia pavakataurirwa naSairasi muPezhiya kuti vadzokere. Temberi yakabva yavakwazve ikakumikidzwa kuna Mwari. Chimwe chikwata chakazodzokera chichitungamirirwa naEzira.Bhuku raEzira rakanga riri rimwechete neraNehemiya. Mabhuku aya maviri akanga aine zita rimwechete rokuti Ezira. Bhuku irori raEzira neraNehemiya akambopiwa mazita okuti 1 Ezira na 2 Ezira. Aripozve mabhuku anonzi 3 Ezira na 4 Ezira asina kunyorwa muBhaibhiri rino.Bhuku raEzira rinodzidzisa kuti chitendero nokunamata zvakadzorerwa pakare pazvaiva zviri vanhu vasati vaendeswa kuutapwa.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raEziraChikwata chokutanga kudzoka kuutapwa (1:1—2:70)Kuvakwa nokukumikidzwa kweTemberi (3:1—6:22)Chikwata chechipiri chakadzoka chichibva kuutapwa pamwe naEzira (7:1—10:44)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help