Amosi 5 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mwari anoti vanhu ngavatendeuke

1Teererai munzwe

shoko rakanangana nemi

randava kutaura ndichiungudza,

kwamuri imi vemba yaIsiraeri rokuti,

2“Isiraeri, waparara,

zvokumukazve hapasisina,

wava mhandara yarambwa,

uri munyika mako imomo

usisina kana newokukusumudzawo.”

3Ndinodaro nokuti

zvanzi naTENZI Mwari,

“Guta rakabuda chiuru chavarwi,

richasara rava nezana revarwi,

uye rakabudawo zana revarwi

richasara rava navarwi gumi

vokumba kwaIsiraeri.”

4Nokuti TENZI ari kutaurira

vemba yaIsiraeri kuti,

“Nditsvakei mugorarama,

5asi regai kutsvaka kunamata zvokuBhetieri,

kana kupinda zvenyu muGirigari

kunyange kuyambukira kuBheerishevha

pamusana pokuti

Girigari ichatoenda chete muutapwa

uyewo Bhetieri zvichaiperera.”

6Tsvagai TENZI, murarame,

angadaro akaviruka somoto

mumba yokwaJosefi,

akaitsakatisa

pasina kana anoidzimura

achireverera Bhetieri.

7Hokoyoi imi munosandura ruenzaniso

muchiruita gavakava chairo kuvava

muchikanda pasi ururami.

8Iye akasika

nyenyedzi dzechinyamutanhatu

nedzegwara ravatonga;

iye anosandura rima rakati kwirindindi

kuti rive mangwanani zvavo

achiita kuti masikati ave usiku,

iye anodaidza mvura yegungwa

achiidira pasi panyika,

zita rake iyeyo, ndiYahweh,

9anoita kuti kuparadza

vane simba, kurove semheni

zvokuti umharadzi hunobva hwawira

nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.

10Vanhu vanovenga munhu

anovatsiura padare,

vachizvonda anotaura chokwadi.

11Naizvozvo, pamusana pokuti

imi munotsokodzera pasi murombo

muchimumanikidza

kuti atokupai chete koroni,

dzimba dzamakavaka dzamabwe akavezwa, hamudzigari

mukasimaka imi munda yakanakisa yamagirepisi,

asi hamusi kuzonwa waini yaiwo.

12Ndinodaro nokuti ndinoziva ini

kuwanda kwezvamakakanganisa

nokukura kwakaita zvitadzo zvenyu,

iyemi munoonesa ndondo vakarurama,

munogamuchira pfumbamuromo padare

muchiti kumunhu ane

nhuna dzaanadzo

tibvire pano.

13Naizvozvo munhu akangwara

anonyarara zvake

panguva dzakaita saidzodzi idzi,

nokuti inguva dzakaipa.

14Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa

kuitira kuti murarame,

nezvo TENZI,

Mwari wehondo nehondo,

achava nemi,

sokureva kwenyu.

15Vengai zvakaipa

mude zvakanaka

musimbise zvoruenzaniso padare.

Zvimwe TENZI,

Mwari wehondo nehondo,

angaitire nyasha

chitsama chakasara chevokwaJosefi.

16Naizvozvo zvanzi naTENZI,

Mwari wehondo nehondo

iye TENZI,

“Munhandare dzose zvadzo

muchange muchihwihwidzwa kuchema,

mumigwagwa yomuguta yose zvayo

vachati, ‘Yowe maiwe-e!’

Vachadaidza varimi kundochema

vachadaidzawo vebasa rokuhwihwidza kuzoungudza,

17nomuminda yose yamagirepisi

muchava nokuhwihwidza kuchema

nokuti ndichapfuura nomukati menyu,”

ndizvo zviri kutaura TENZI.

18Zvichakuwanai imi munoti

dai zuva raTENZI rachingosvika.

Chamunodira chaizvo kuti

zuva raTENZI risvike, chii?

Izuva rerima kwete rechiedza

19rakaita somunhu anoti,

uku ari kutiza shumba

obva anowira mukanwa mebere;

kana kuti somunhu anoti

pindei mumba

ozendama zvake noruoko kumadziro

nyoka yobva yamuruma.

20Ko handiti zuva raTENZI,

izuva rerima here, kwete rechiedza,

zuva rakati kwirindindi kusviba,

risina kana nekanopenya mariri.

21“Ndinovenga, uye

ndinozvidza mazuva enyu makuru,

handisi kumbofarira zvangu

misangano yenyu yezvokunamata.

22Kunyange zvenyu mukapira kwandiri

mipiro yenyu yokupisa

nemipiro yenyu yembesanwa

handisi kuzoigamuchira.

Kanawo mipiro yokuwadzana

yezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa,

handisi kuzoitarisa.

23Ndinyararirei

mheremhere yenziyo dzenyu,

mumhanzi wamadimbwa enyu

handisi kana kuzombouteerera.

24Asi ruenzaniso ngarudirane kuyerera semvura

uye kururama kuitewo

sorukova runogarosaruka ruchingoyerera.

25“Ko makambouya here kwandiri nezvibayiro kana nemipiro kwamakumi mana amakore amakanga muri murenje, nhaimi vemba yaIsiraeri?

26Imi muchatakura zvifananidzo zvenyu zvokunamata zvamakazvigadzirira zvinoti Sakuti, mambo wenyu naKaiwani, mwari wenyu wenyenyedzi.

27Naizvozvo ndichakutorai ndichikuendesai muutapwa mberi kupfuura guta reDhamasikusi.” Ndizvo zviri kutaura TENZI anonziwo Mwari wehondo nehondo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help