Varoma 2 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chirango chaMwari kuvaJudha

1Naizvozvo iwe munhu hauna chingaite kuti unzi hauna mhosva kunyange uri ani zvako kana uchitongera mumwe mhosva asi iwe uchiita zvimwechetezvo.

2Tinonyatsoziva kuti Mwari, kutongera mhosva kwaanoita vanhu vanoita zvakadai, kuri pamwero.

3Nhaiwe, munhuwo zvako kudai, unofunga here kuti uchapunyuka kutongerwa mhosva naMwari kana iwe uchitongera vamwe mhosva vanoita zvakadaro asi iwe pachako uchizviitawo?

4Kana kuti wavakungoti Mwari zvaakazara nomwoyochena nokuregerera nomwoyo murefu, ndizvozvo? Hauzivi here kuti mwoyochena waMwari unenge uchiitirwa kuti iwe upinduke?

5Asi nokuomarara mwoyo kwako uye nokuva nomwoyo usingadi kupinduka uri kutozozvimutsira hasha pamusi wehasha pacharatidzwa kutonga kwaMwari kwakarurama

6nokuti achapa, mumwe nomumwe maererano namabasa ake.

7Achapa upenyu husingaperi kuna vanoita mwoyo murefu mukuita zvakanaka vachitsvaka mbiri norukudzo noupenyu husingaperi.

8Asi kuna vavo vano mweya wokupanduka vasingateereri chokwadi vanotungamirirwa nouipi; chavo kutsamwirwa nokuitirwa zvehasha.

9Munhu wose anoita zvakaipa achapinda munhamo namatambudziko, kutanga nomuJudha tevere muGiriki.

10Asi munhu wose anoita zvakanaka achawana mbiri norukudzo norugare zvichitangirawo kumuJudha tevere muGiriki,

11nokuti Mwari haana rusaruro.

Mutemo hauponesi munhu

12Vose vakatadza vasina mutemo vachapararawo kunze kwomutemo. Uye vose vakatadzira Mwari vari pasi pomutemo vachatongwawo nomutemo.

13Chiripo ndechokuti havasi vanhu vanongonzwa mutemo vakarurama pamberi paMwari asi vanoita zvinorehwa nomutemo ndivo vachanzi vakarurama.

14Kana vechirudzi, vasiri pasi pomutemo, vachichengeta mutemo, kuri kuita zviri muropa ravo, vachitevedza zvinodiwa nomutemo, ndivo vava kutozvitungamirira somutemo kunyange zvazvo vasiri pasi pomutemo.

15Vanoratidza kuti zvinodiwa nomutemo zvakanyorwa mumwoyo yavo. Hana dzavowo dzinovatsigira nokuvapupurira izvozvo. Pfungwa dzavo dzinenge dzichirwisana pachadzo pamwe dzichivapa mhosva pamwe dzichivareverera

16pazuva iroro, Mwari paanenge otonga zvakavandika zvavanhu nokuna Kristu Jesu maererano neShoko rangu Rakanaka.

Mutemo navaJudha

17Zvino kana iwe uchizviti uri muJudha uchivimba nomutemo, uchizvikudza noukama hwako naMwari,

18uchizivawo kuda kwake, uchikwanisa kusarudza chakanaka nokuti unenge wakadzidziswa zvomutemo,

19uye kana iwe uine chokwadi chokuti unotungamirira mapofu, uri mwenje kuna vari murima;

20kana uchigona kudzora mapenzi uye uri murairidzi wavana uchiziva kuti mumutemo ndimo muno ruzivo rwose nechokwadi,

21zvino iwe kana uri munhu anodzidzisa vamwe kudai haukwanisi here kuzvidzidzisa iwe pachako? Kana iwe uchidzidzisa vamwe kusaba ndiwe woba here?

22Kana iwe uchiti munhu haafaniri kuita upombwe ndiwe woita upombwe here? Iwe unovenga zvifananidzo ndiwe wondopamba zviri mumaTemberi here?

23Iwe unozvirova dundundu nezviri mumutemo ndiwe wondoshora Mwari nokutyora mutemo here?

24Ndinodaro nokuti zvakanyorwa zvichinzi,

“Zita raMwari rinoshorwa

pakati pevechirudzi

pamusana penyu.”

Kudzingiswa hakuponesi munhu

25Kudzingiswa kunebasa kana uchichengeta mutemo asi kana uchityora mutemo kudzingiswa kunobva kwava kusadzingiswa.

26Naizvozvo kana munhu asina kudzingiswa akachengeta zvisungo zvomutemo kusadzingiswa kwake hakuzova kudzingiswa here?

27Saizvozvo avo vasina kudzingiswa panyama asi vachichengeta mutemo vachakupai mhosva imi mune bumbiro romutemo rakanyorwa uye kudzingiswa asi imi muchityora mutemo.

28MuJudha chaiye haasi muJudha wapamuromo, ndozvimwechetezvo nokudzingiswa kwechokwadi, hakusi kokuooneka kunze kana panyama.

29MuJudha chaiye muJudha ari muJudha mukati; saizvozvowo kudzingiswa kwechokwadi chinhu chomumwoyo chezvomweya kwete chokutevedza zvakanyorwa chete. Kurumbidzwa kwake kunobva kuna Mwari kwete kuvanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help