Nziyo 94 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Mwari mutongi wavose ano ruenzaniso

1TENZI muri Mwari anotsiva,

imi Mwari anotsiva, zviratidzei.

2Simukai imi mutongi wapasi

mupe vanozvikudza

zvavanokodzerana nazvo.

3Nhai TENZI ko ivo vakaipa vachasvikira riniko

kusvikira rini vakaipa vachizvitutumadza.

4Vanorutsa kutaura

mashoko okuzvikudza.

Vaiti vezvakaipa vose vanozvitutumadza.

5Vanopwanya vanhu venyu TENZI

vanorwadzisa nhaka yenyu.

6Vanoponda kuuraya chirikadzi nomutorwa

vachiuraya zvavo nherera.

7Vanoti TENZI haazvioni

Mwari waJakobho haatarisi.

8Nzwisisaiwo imi matununu avanhu

imi mapenzi muchangwara rinhiko?

9Ko iye akaita nzeve

haakwanisi kunzwa here?

Iye akaumba ziso

angatadze kuona here?

10Iye anoranga marudzi

haarangi here,

iye anodzidzisa vanhu ruzivo?

11TENZI anoziva pfungwa dzavanhu

kuti dzinongova femo zvaro.

12Akakomborerwa zvake munhu wamunoranga

TENZI, wamunodzidzisa nemitemo yenyu.

13Kumupa zororo panguva yepfumvu

kusvikira guva rachererwa vakaipa.

14Nokuti TENZI haafuratiri

vanhu vake

haangarasi nhaka yake.

15Ruenzaniso runodzokerazve

mukutonga kunoitwa,

vose vari pachokwadi vanozvitevedza.

16Ndiani zvake akambosimuka

kuti andirwire kuna vakaipa?

Ndiani angandimiririrewo kurwisa

vaiti vezvakaipa?

17Dai ndisina kutozobatsirwawo zvangu naTENZI

ndingadai ndavakutogara

kunyika yorunyararo.

18Pandaifunga kuti ndavakutsvedza,

makandisimbisa nemwoyochena wenyu.

19Kana zvinondinetsa mumwoyo mangu zvawanda

kundinyaradza kwenyu kunondifaranutsa.

20Mungaite ushamwari

navatongi vakaipa here

vanoita kuti zvisina ruenzaniso

zvive zviri pamutemo?

21Vanoita chirwirangwe

kurwisa mururami

vachipa mururami asina mhosva

yokuti auraiwe.

22Asi TENZI ndiye akava

nzvimbo yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo

uye Mwari wangu akava nhare yangu.

23Achavadzorera uipi hwavo

achavatsvaira pamusana pokusarurama kwavo

TENZI Mwari wedu achavatsvaira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help