Zvakaratidzwa 8 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Namo nomwe

1Hwayana payakakwatanura namo yechinomwe

kwakanyararwa kudenga kwehafu yeawa.

2Ndipo pandakaona vatumwa vanomwe vaya

vanomira pamberi paMwari.

Vakapiwa mabhosvo manomwe.

3Mumwe mutumwa akauya akasvikomira kuatari.

Akanga aine bisiro rendarama

akapiwa rusenzi rwakawanda

kuti arusanganise neminamato yavatsvene vose

paatari yendarama iya, pamberi pechigaro choumambo.

4Utsi hwerusenzi hwakakwira

pamwechete neminamato yavatsvene

ichibva mumaoko omutumwa aiva pamberi paMwari.

5Mutumwa akazotora bisiro riya

akarizadza nomoto waibva paatari

akarikanda panyika pakava nokudhiriridza kwemheni

namabhanan'ana nokupenya kwemheni nokundengendeka kwapasi.

Mabhosvo

6Zvino vatumwa vanomwe vaya

vakanga vaina mabhosvo manomwe, vakagadzirira kuaridza.

7Mutumwa wokutanga akaridza bhosvo rake

kukabva kwaita chimvuramahwe nemoto

zvakasanganiswa neropa zvainaya panyika.

Chikamu chechitatu chenyika chakatsva,

chikamu chechitatu chemiti chakatsva

uye uswa unyoro hwakatsva.

8Mutumwa wechipiri akaridza bhosvo rake

ndokubva chimwe chinenge gomo guru raibvira moto,

chakandwa mugungwa.

9Chikamu chechitatu chegungwa chakasanduka kuva ropa.

Chikamu chechitatu chezvisikwa zvomugungwa chakafa.

Chikamu chechitatu chengarava chakaparadzwa.

10Mutumwa wechitatu akaridzawo bhosvo rake

ndokubva nyenyedzi huru yawa kubva kudenga

ichipenya sezhenje

ikawira pachikamu chetatu chenzizi

uye pazvisipiti zvemvura.

11Zita renyenyedzi iyoyo rainzi Gavakava.

Chikamu chechitatu chemvura chakava gavakava kuvava.

Vanhu vazhinji vakafa nemvura iyoyo

nokuti yakaitwa gavakava kuvava.

12Mutumwa wechina akaridzawo bhosvo rake

chikamu chechitatu chezuva chakarohwa

nechikamu chechitatu chemwedzi

nechikamu chechitatu chenyenyedzi

zvokuti chikamu chechitatu chechiedza chazvo chakaitwa rima.

Chikamu chechitatu chamasikati chakarega kuvheneka,

ndizvozvo nechikamu chechitatu chousiku.

13Ndopandakatarisa, onei gondo richichema nezwi guru

paraibhururuka mudenga richiti,

“Heyo nhamo, heyo nhamo heyo nhamo iyo

kune vagere panyika

pacharidzwa mamwe mabhosvo

anofanira kuridzwa navamwe vatumwa vatatu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help