Nziyo 66 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu Rwiyo. Rumbo.Rwiyo rwokurumbidza nokutenda

1Pururudzirai Mwari imi nyika yose.

2Imbirai mbiri yezita rake,

murumbidzei zvikuru kwazvo.

3Itii kuna Mwari,

“Hakusi kutyisa ikoko kunoita mabasa enyu;

mabasa enyu makuru zvokuti

vavengi venyu vanotokotama kwamuri.

4Nyika yose inokugwadamirai,

vanokuimbirai vachikurumbidzai

vachiimba vachirumbidza zita renyu.”

Dzepfunde

5Uyai muone zvakaitwa naMwari,

zvaanoita pakati pavanhu zvinotyisa.

6Akasandura gungwa rikava nyika yakaoma;

vanhu vakayambuka rukova rwuya netsoka.

Pakadaro apo ngatipemberei nokufara maari.

7Anotonga nesimba rake nokusingaperi

ziso rake rinogara riri

pamarudzi avanhu.

Vapanduki ngavarege kuzvikudza.

Dzepfunde

8Rumbidzai Mwari wedu imi marudzi avanhu,

mhururu yokumurumbidza ngainzwike.

9Akatichengeta tiri vapenyu,

haana kurega tsoka dzedu dzichitsvedzemuka.

10Nokuti imi, Mwari, makatiedza;

makatiedza sokuedzwa kunoitwa sirivha.

11Makatipinza mumambure

mukatipa musana unorwadza.

12Makaita kuti vanhu

vatitsikirire zvavo musoro.

Takapinda nomumoto nomumvura

asi makatiunza kunzvimbo yamaguta.

13Ndichapinda mumba menyu

nezvibayiro zvokupisa

ndichiita zvandakatsidza,

14zvandakareva nomuromo wangu,

zvandakatsidza nomuromo wangu

pandaiva munhamo.

15Ndichapira kwamuri

zvibayiro zvokupisa zvakakodzwa

noutsi hwezvibayiro zvehondohwe.

Ndichapira mupiro wehandira nembudzi.

Dzepfunde.

16Uyai munzwe imi munotya Mwari

ndikutaurirei zvaakandiitira.

17Ndakachema kwaari,

ndikamurumbidza norurimi rwangu.

18Dai kuri kuti ndakafarira

uipi mumwoyo mangu,

TENZI vangadai vasina kuteerera.

19Asi zvechokwadi Mwari akateerera

akanzwa munamato wokuchema kwangu.

20Mwari ngaarumbidzwe

nokuti haana kuramba munamato wangu

kana kurega mwoyochena wake kwandiri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help