1Pedyo nehova dzeBhabhironi
taigarapo tichichema
patainge tafunga Zioni.
2Taipaikira zvipendani zvedu
pamisambagwena ikoko.
3Ipapo vatapi vedu
vaitikumbira dzimbo,
varwadzisi vedu vaiita musara nesu vachiti,
“Tiimbirei rumwe rumbo rweZioni.”
4Ko taigoimba sei rumbo rwaTENZI
munyika yavatorwa.
5Kana ndikakukanganwa iwe Jerusaremu
ruoko rwangu rworudyi ngaruune.
6Rurimi rwangu ngarubve rwanamira
kumusoro kwomukanwa mangu,
kana ndikarega kukurangarira
kana ndikarega kutora
Jerusaremu somufaro wangu mukurusa.
7Yeukai TENZI nezvevekwaEdhomu
pazuva reJerusaremu
pavaiti ngarikoromorwe, ngarikoromorwe,
rikoromorwe kusvika paugaro hwarwo.
8Iwe Bhabhironi muparadzi
akakomborerwa zvake
anotsividza zvawakatiitira.
9Akakomborerwa anotora pwere dzako
achidzipwanyira padombo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.