1Ndinunurei TENZI kuvanhu vakaipa
ndichengeteiwo kuvanhu vanokuvadza vamwe
2vanhu vanorangana zvakaipa mumwoyo mavo,
vanogara vakamutsa hondo.
3Vanorodza rurimi rwavo serwenyoka;
pasi pemiromo yavo pane uturu hwechiva.
Dzepfunde.
4Ndichengeteiwo TENZI
ndirege kuwira mumaoko avakaipa
ndichengeteiwo kuvanhu vanokuvadza vamwe
vakaronga kupingirisha makumbo angu.
5Vanhu vanozvikudza vakanditeya zvakavanda,
vakawarira misungo munzira samambure,
vakanditeya nomusungo munzira.
Dzepfunde.
6Ndinoti kuna TENZI,
“Ndimi Mwari wangu
inzwaiwo izwi rokukumbira kwangu, TENZI.”
7TENZI Mwari wangu,
mununuri wangu ane simba,
makadzivirira musoro wangu
pazuva rehondo.
8Musape vakaipa zvavanoda,
musaite kuti zvavanoronga zvibudirire.
Dzepfunde
9Kana vanondikomba vava kusimudza misoro,
zvavakarangana nemiromo yavo ngazvivapfukire.
10Ngavawirwe namazimbe omoto unopisa,
vakandwe muhunza mavasingazombobuda.
11Munyombi ngaarege kudzika
midzi munyika,
zvakashata ngazviwire nokukurumidza
munhu anokuvadza vamwe.
12Ndinoziva kuti TENZI anomiririra
nyaya dzavarombo
uye anoitira zvinoruenzaniso
vasina chavanacho.
13Vakarurama vachatotenda zita renyu;
vari pachokwadi vachagara panemi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.