1Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri nezveMoabhu,
“Zvazoriwana guta reNebho
nokuti raparara,
Kiriyataimu yanyadziswa, yatorwa,
guta remasvingo
rafumurwa rapazwa.
2Mbiri yeMoabhu hapasisina
muguta reHeshibhoni imomo
vakarirongera bangano rakaipa rokuti,
‘Uyai tiritsakatise sorudzi.’
Nairowo guta reMadhimeni
richaitwa kuti riti zirikiti kunyarara,
bakatwa richakuronda.
3“Heyo mhere yarira kuHoronaimu!
Hero dongo zvaro,
raparara zvokuparara zviya!
4Moabhu yaparara,
heyo mhere yepwere dzacho
5nokuti vanokwira mukwidza wokuRuhiti
iri mhere chete kuhwihwidza
nokuti pamateru okuHoronaimu
heyo mhere yenhamo yokuparadzwa.
6“Tizai muzviponese.
Itai sedhongi romusango murenje,
7pari pamusana pokuti makavimbaka imi
namabasa enyu noupfumi hwenyu,
newewo uchatotorwa
iye mwari wenyu Kemoshi
achaendwa naye kuutapwa, pamwechete
navapristi vake namachinda ake.
8“Mharadzi ichasvika mumaguta ose
pasina kana guta rinopapunyuka,
nhika ichaparara
bani richiparadzwa
sokureva kwakaita Tenzi.
9Ipa Moabhu mapapiro
kuti abhururuke,
maguta ayo achava matongo
asina munhu ageremo.”
10Ngaawirwe norushambwa munhu asingaite basa raTenzi nomwoyo wose. Ngaawirwe norushambwa munhu anochengeta zvake bakatwa asingadeure ropa naro.
Kuparara kwemaguta eMoabhu11Moabhu yakagarika kubvira paupwere hwayo
uye igere zvayo kudivi ramakomo kusina mhepo.
Haina kana kumbokwengurwa zvayo,
chirongo nechirongo
kana kutomboendeswa muutapwa.
Saka mukanwa mayo muchakangodaro
kunhuwirira kwayo hakusatiwo kwasanduka.
12“Naizvozvo, zvanzi naTenzi chinzwai, ‘Mazuva ari kuuya andichaitumidzira vadeuri vachamurereka vagokwengura midziyo yayo vachipwanya-pwanya zvirongo zvayo.’
13Ipapo Moabhu ichanyara namwari wayo, Kemoshi, sokunyara kwakaita imba yeIsiraeri neBhetieri chivimbo chayo.
14“Chamungabangotaurirawo muchizviti,
‘Tiri magamba chaiwo chii,
nemvumba chaidzo dzokurwa hondo,’
15Mharadzi dzeMoabhu
namaguta ayo vakwidza kuno uku.
Majaya ayo, ano chaiwo, akasvika
achiti zvino rororo kufa.
Ndizvo zviri kutaura Mambo
ane zita rokuti
Tenzi wehondo nehondo.
16Nyatwa yeMoabhu yasvika
nhamo yayo iri kumhanya kuuya.
17Ichemei imi mose
muri munharaunda yayo yakaitenderera
nemi mose munoiziva nezita.
Itii: ‘Zvauya sei chokwadi kuti
tsvimbo huru youmambo ityoke,
mudonzvo wacho wembiri.’
18Jitika pambiri yako apo
ugarewo pasi pakati kukutu kuoma,
iwe mugari weDhibhoni
nokuti mharadzi yeMoabhu
yakuvinga ikaparadza
nzvimbo dzoko dzokuhwanda muhondo.
19Mira panzira utarise
iwe mugari wokuAroero
ubvunze mutizi nomupunyuki
kuti, ‘Zvaita sei?’
20Moabhu yanyadziswa nokuti yaputsika,
hwihwidzai muchichema!
Udza vanhu muna Arinoni
kuti, Moabhu yaparara.
21“Yasvika nguva yokutongwa kwenyika yomuzanda wakasandarika neHoroni neJahiza neMefaati
22neDhibhoni neNebho neBhetidhibhuratimu
23neKiriyataimu neBhetigamuri neBhetimeoni
24neKiriati neBhozira namaguta ose enyika yeMoabhu okure neepedyo.
25Umambo hwekwaMoabhu hwaparara, simba reMoabhu rakaparara. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Kunyadziswa kuchaitwa Moabhu26“Muraradzisei nokuti azvitutumadza kwazvo pana Tenzi muite kuti Moabhu isare yava kuumburuka mumarutsi ayo iyowo ive chiseko chenyika.
27Handiti Isiraeri yanga iri chiseko chako iwe Moabhu. Iyo Isiraeri yakambowanikwa iri pakati pembavha here, zvaunobva wati paunongotaura nezvayo unobva wadzungudza musoro kudaro?
28“Tamai mumaguta mundogara mubako,
imi vagari veMoabhu.
Itai hwenjiva inovaka dendere
mumativi memipata yamakomo.
29Guhu rokuzvikudza kweMoabhu takarinzwa,
kuzvikudza kukuru kwazvo
nokuzvitutumadza kwayo
nokuzvizuwidza kwayo
nokuzvidadisa kwayo
nomwoyo wayo wokuzvinyundumadza.
30“Ndinoziva unhunzvatunzva hwayo,
kuzvikudza kwayo hakuna zviripo
zviito zvayo hazvina maturo.
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
31Ndokusaka ndichihwihwidza kuchema Moabhu,
ndinobongomora mhere kuchema Moabhu yose,
ndinochema vanhu vokuKiriheresi.
32“Iwe mugirepisi weSibhuma,
ndinokuchema kupinda gungwa reJazeru!
Mapazi ako anotandira napamusoro pegungwa
kusvikira nokuJazeru.
Michero yako yapazhizha
nezvinobva mumunda wamagiresi
zvawirwa nomuparadzi.
33“Rufaro nokupembera zvabviswa
munyika inobereka zvakawanda,
nyika yeMoabhu.
Ndakaita kuti waini ipwe
muzvisviniro zvewaini.
Hapana achambokanya magirepisi
nenziyo dzokufara,
kudaidzira kwaro hakusisiri kwokufara.
34“Maguta Heshibhoni neEreare aridza mhere nokuJahazi kwose vadudza nezwi ravo kubvira kuZoari kusvikira kuHoronaimu nokuEgiratishereishiya. Chiripo ndechokuti mvura yokuNimurimu yaperawo.
35Izvozvi ndava kuita kuti Moabhu zvichiiperera, ndizvo zvinotaura Tenzi, iyo Moabhu inopira chibayiro panzvimbo yakatunhumara yokuteurira ichipisira rusenzi kuna mwari wayo.
36Ndokusaka ndichidandaura mumwoyo senyere, ndichichema Moabhu. Mwoyo wangu uri kuchema senyere vanhu vokuKiriheresi nokuti upfumi hwavanga vazviwanira hwaparara.
37“Musoro woga woga wakaveurwa, uye ndebvu dzose dzaguswa, akachekwachekwa maoko ose akasungira saga muchiuno.
38Pamatenga ose edzimba dzeMoabhu napamisika yayo kunongova kuchema koga koga, nokuti ndakapwanya Moabhu sehari isina achaida. Ndizvo zvinotaurwa naTenzi.
39Kupwanyika here ikoko! Kuungudza here ikoko! Kudzoka here ikoko kwakaita Moabhu achinyara! Moabhu yava chiseko chenyika nechinhu chinokatyamadza vose vomunharaunda yayo.”
Moabhu haisi kuzopapunyuka40Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi:
“Mamboti maonei zvenyu,
kuchaita munhu achabhururuka
ari mhepo zvayo kumhanya segondo,
achitambanudzira mapapiro ake kurwisa Moabhu!
41Maguta achatorwa
uye nhare dzokuzvidzivirira muhondo dzichabvutwa.
Mwoyo yavarwi veMoabhu,
pazuva iroro, ichaita
semwoyo womukadzi ari pakusununguka.
42Moabhu ichaparadzwa
isisazovazve rudzi,
pamusana pokuti yakazvitutumadza
ichirwisana naTenzi.
43Kutyisa negomba nomusungo
zvakumirira iwe mugari weMoabhu.
Ndizvo zvinotaura Tenzi.
44“Anenge atiza zvinhu zvinotyisa
achawira muhunza
anenge abuda muhunza imomo
achabatwa nomusungo
nokuti ndichapinza Moabhu muna izvozvi
mugore rokurangwa kwavo,
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
45Mumumvuri weHeshibhoni
vatizi vanombomiramo
simba ravaperera nokuti
muHeshibhoni mabvira moto,
murazvo wabvira mumba maSihoni.
Waroromesa huma yeMoabhu,
ndaza youmambo
hwokuvanakomana vebongozozo.
46“Zvakuwana iwe Moabhu!
Vanamati vaKemoshi pavo pavaperera
nokuti vanakomana venyu
navanasikana venyu vakatapwa
vaendwa navo kuutapwa.
47“Zvakadaro zvazvo ndichadzosera
Moabhu makomborero ayo mune ramangwana,”
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Zvarehwa izvozvi ndokutongwa kuchaitwa Moabhu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.