Nziyo 1 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvavo vakarurama, vakaipa hameno zvavo

1Akakomborerwa munhu asingafambi

panorangana vakaipa.

Kana kuva munzira yavatadzi,

kana kugara panogara vanonyomba,

2asi kuti anotofarira mutemo waTENZI

uye anorangaririra mutemo waTENZI siku nesikati.

3Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi

unobereka muchero wawo panguva yawo

uri muti usingauni mashizha.

Zvose zvaanoita zvinobudirira.

4Asi hazvisirizvo zvakaita vakaipa,

vakaita sehundi inopeperetswa nemhepo.

5Naizvozvo padare rokutongwa,

vakaipa havapamiri

uye vatadzi mugungano ravakarurama havamumiri.

6Nokuti TENZI ane hanya nenzira yavakarurama

asi nzira yavakaipa ichaparara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help